Accessibility links

Breaking News

National AIDS Council Yobatsira Vasungwa

Zimbabwe Prisoners
Zimbabwe Prisoners

Sangano reNational AIDS Council of Zimbabwe, NAC, rinoti rasvitsa zviri pamutemo kunazi rezvemajeri chibage chakarimwa nevasungwa vepajeri reBindura, mudunhu reMashonaland Central.

Chibage ichi chakarimwa pachishandiswa imwe yemari inoita zana rezviuru zvemadhora zvemari yakapiwa Zimbabwe Prison Services neNAC.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muNAC, Amai Tadiwa Pfupa, vanoti sangano ravo rakatora danho iri mushure mekuona kuti majeri kana akawaniswa zvekushandisa zvakakwana anokwanisa kurerutsa mararamiro evasungwa, pamwe nekubatsira nyika nechikafu.

Amai pfupa vanoti hurongwa hwavo uhwu huchabatsira zvikuru kuwanisa vasungwa vari kutora mishonga yema ARVs kudya kunovaka muviri.

Mabiko aya anonzi apindwawo nemutewedzeri wemutungamiri wenyika, uye vari gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangwagwa, gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, gurukota rinoona nezvedunhu reMashonaland Central, VaMartin Dinha, mukuru wemajeri, VaParadzai Zimondi, pamwe nevamwe vakuru-vakuru muhurumende.

Amai Pfupa vanoti jeri reBindura rakakwanisa kurima mapurazi aro matatu ari mudunhu iri, uye riri kutarisira kuwana matani anosvika mazana mapfumbamwe echibage.

Vanotiwo jeri reBindura, iro rine vasungwa vanodarika zvishoma mazana maviri nemakumi manomwe, rinongoda matani makumi mapfumbamwe nemana echibage, zvichireva kuti chimwe chibage chose ichi chinenge chobatsirawo mamwe majeri emunyika.

Amai Pfupa vanoti nekuda kwekubudirira kwaita hurongwa hwavo uhwu, sangano ravo richabatsira zvakare vasungwa nekuvawanisa miriwo invaka miviri, yakaita seruni, chemberedzagumhana nemimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG