Accessibility links

Breaking News

Gwaro Idzva Roburitsa Mabatirwo eVanhukadzi neVatori veNhau


Imwe ongororo yakaitwa munguva pfupi yapfuura yaitarisa mabudiro mumapepanhau nemudzinhepfenyuro enyaya dzine chekuita nevanhukadzi pamwe nekuenzaniswa kwemikana pakati pevarume nevakadzi inoratidza kuti madzimai anowanzoburitswa mumapenahu kana mudzinhepfenyuro idzi mune zvakaipa.

Ongororo iyi, iyo yakaitwa mumwedzi waGumiguru nesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ, inoratidza kuti vanhukadzi havanyanyoburitswa mumapepanhau kana munhepfenyuro dzemunyika sezvinoitwa vanhurume.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti apo vanhukadzi vanoburitswa mumapepanhau kana munhepfenyuro idzi, kazhinji kazhinji panenge pachitaurwa zvakaipa pamusoro pavo, pachipiwa muenzaniso wenyaya yakatsviriridza munguva pfupi yapfuura yevamwe vakadzi vakabatwa kuHarare vachizviti varoyi.

Ongororo iyi yakaitwa naAmai Virginia Muwanigwa, vanove mukuru weHumanitarian Information Facilitation Centre vachishanda naMuzvare Faith Ndlovu vanove mufambisi wezvirongwa kuMedia Monitoring Project in Zimbabwe, pamwe naMuzvare Natasha Musonza vanoona nezvekuburitswa kwemashoko kuResearch and Advocacy Unit.

Amai Muwanigwa vanoti zvakabuda muongororo iyi hazvina kuvashamisa nekuti muZimbabwe, semune dzimwe nyika dzakawanda pasi rose, mune tsika nemaonero ekuti vanhurume ndivo vatungamiri pazvinhu zvose, icho vanoti ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti zvinhu zvimire mamiriro azvakaita mumabasa ekutora nhau.

Mumwe mutapi wenhau uye ari mumwe wevanhukadzi vashoma vane bepanhau ravo, Muzvare Tendai Manhundu, vanoti vanobvumirana nezvakabuda muongororo iyi, vachibvumawo kuti kutarisirwa pasi kwemadzimai kunobva mutsika dzechivanhu dzinokoshesa vanhurume.

Asi Muzvare Manhundu vanoti mukurarama kunoitwa nevanhu zuva-nezuva, chokwadi chaicho ndechekuti vanhukadzi ndivo vanotungamira muzvizhinji.

Amai Muwanigwa vanobvuma kuti vanhukadzi vakawanda havawanzoda kubuda mumapepanhau kana munhepfenyuro. Asi vanoti zvakakosha kuti vatapi venhau vaedze pose pavanogona napo kuburitsa manzwi evanhukadzi panokodzera.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti hakuna vanhukadzi vakawanda vari muzvinzvimbo zvepamusoro mumapepanhau nemunhepfenyuro dzakawanda munyika.

Mumwe musikana akangozvidoma nezita rekuti Rumbi, uyo ari kuita zvidzidzo zvekutapa nhau paMidlands State University, anoti kunyange hazvo iye nevamwe vanhukadzi vechidiki vakawanda vane shungu dzekuda kushanda sevatori venhau, chimwe chinhu chinovadzorera kumashure inyaya yekuti vanhukadzi vakawanda vari mubasa iri vanosangana nenyaya dzekuti vanonzi vatange vadanana nevakuru pabasa, inoziikanwa muchirungu kunzi sexual harassment.

Muzvare Manhundu vanoti kuti mabatirwo anoitwa vanhukadzi munyaya dzekutapa nhau achinje, zvakakosha kuti ivo vanhukadzi pachavo vave pamberi mukuedza kuchinja pfungwa dzeveruzhinji.

Zvimwe zvezvakadomwa sezvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti vanhukadzi vatarisrwe pasi mumapepanhau kana munhepfenyuro inyaya yekuti kukurudzira kuenzana kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi kunoonekwa sechinhu chinoitwa nevanoziikanwa muchirungu kunzi feminists uyewo nyaya yekuti mumakambani akawanda anoita zvekutapa nhau hamuna mitemo inokurudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Asi Amai Muwanigwa vanoti vane tariro yekuti zvinhu zvichagadzirika.

Ongororo yeVMCZ inokurudzira kuti vatori venhau vadzidziswe pamusoro pezvekukosha kwekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uyewo kuti pave nekudyidzana pakati pevatapi venhau nemasangano anomirira kodzero dzevanhukadzi.

Ongororo iyi yakaitwa pasi pechirongwa chemasangano ezvenhau cheMedia Diversity Campaign.

Mukuita ongororo iyi, VMCZ yakawana rubatsiro kubva kumuzinda weNetherlands muZimbabwe pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG