Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Havasi Kuenda kuCopenhagen

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havachaendi kumusaangano wezvemamiriro ekunze uri kuitirwa mu Copenhagen ku Denmark.

VaTsvangirai vanga vachifanirwa kubatana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vakuru vakuru muhurumende, kuenda kumusangano uyu.

Mutauriri waVa Tsvangirai, Va James Maridadi, vati VaTsvangirai havachaendi kumusangano uyu, sezvo vamwe vachaenda kumusangano uyu vachamirira nyika. VaMaridadi vati izvi zvaitirwa kuti VaTsvangirai varambe vachiita basa ravo muhurumende, apo vamwe vavo vanenge vari kumusangano uyu.

VaMaridadi vatiwo VaTsvangirai vatora danho iri, sezvo pasina mari yakakwana yekuti vari muhurumende vapote vachishanya kunze kwenyika. Zvinonzi vanhu vanosvika makumi matanhatu vemuZimbabwe vari kuenda kumusangano uyu.

Izvo zvichaita kuti Zimbabwe ishandise mari yakawanda, iyo yaisina pari zvino. Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanhu vari kuenda kumusangano uyu vakawandisa zvikuru.

Muzvare Gladys Hlatshwayo vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Advocacy Officer mu Crisis in Zimbabwe Coalition.

Muzvare Hlatshwayo vanoti danho ratorwa naVaTsvangirai rekusaenda ku Copenhagen Climate Summit rakanaka zvikuru sezvo rwendo urwu ruchadya mari yakawandisa zvikuru.

XS
SM
MD
LG