Kusawirirana mu Zanu PF kuri kuramba kuchienderera mberi zvichitevera chisungo chedunhu reMashonaland East, chekuti gurukota rezvekudzvirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, pamwe negurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vasave nhengo dzeCentral Committee yedunhu iri.
Chisungo chabuda nekomiti inoona nezvemafambisirwo ezvinhu mudunhu re Mashonaland East, ye Provincial Coordinating Committee, chinoreva kuti VaSekeramayi pamwe naVaParirenyatwa havasi kupinda mu Central Committee yebato.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaBlessing Vava, vanoti kubviswa kwaitwa Va Sekeramayi mu Central Committee kwave kureva kuti havachakwanisa kudomwa nemutungamiri webato, VaRobert Mugabe, kupinda mu politiburo yebato.
Vane ruzivo nezvaitika pamusangano uyu vanoti dzimwe nhengo dzaburitswa mu Central Committee dzinosanganisira mutevedzeri wegurukota rinowona nezvekurima, Va Paddy Zhanda, Va Jericho Gotora, Amai Zvikomborero Mangowo pamwe naVa David Kanjere.
Vachipeta kongiresi neMugovera, VaMugabe vakakurudzira nhengo dzebato ravo mudunhu re Mashonaland East kuti dzinogara pasi zvakare dzisarudze dzimwe nhengo dzichapinda muCentral Committee.
Va Mugabe vakati izvi zvinotevera kunyunyuta kwedzimwe nhengo pamusoro pekusarudzwa kwakaitwa nhengo dze Central Committee dzinonzi dziri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Pataenda pamhepo, nhengo dze Zanu PF dzanga dzichiri kuwunza mazita evanhu vavari kuda kuti vatsive vanhu ava avo vakasarudzwa pamberi pekongiresi.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF pari zvino, uye vari sachigari vebato, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.
Uku veruzhinji vari kuti VaMugabe vakatyora bumbiro rebato ravo nekusadoma vatevedzeri vavo pakapera kongiresi yebato ravo, bato rinopikisa re MDC-T harisati raita musangano wekomiti yepamusoro we national council kunyange hazvo bumbiro rebato iri richiti musangano uyu unofanira kunge waitwa mukati memwedzi mumwe chete.
Asi mutauriri webato iri, Va Obert Gutu, vanoti musangano uyu uchaitwa neMugovera svondo rino uye varamba mashoko ekuti bato ravo riri kutyora bumbiro raro.
Va Gutu vati nhengo dzichapinda mukomiti ye National Executive yebato ravo dzichadomwawo zvakare.
Vane ruzivo nezviri kuitika mu MDC-T vanoti mutungamiri webato iri, Va Morgan Tsvangirai, vangangodoma vaimbova murongi wemisangano mubato iri, Va Nelson Chamisa, kuti vapinde mu National Executive.
Pari zvino, Va Chamisa vangosara vave nhengo yeparamende inomirira Kuwadzana zvichitevera kukundwa kwavakaitwa naVa Douglas Mwonzora pavakakwikwidza chigaro chemunyori mukuru webato pakongiresi ye MDC-T.