Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovhara Kongiresi Vasina Kudoma Hutungamiri Hutsva


Kongiresi yeZanu PF yasvika kumagumo neMugovera mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vachipihwa masimba nemukana wekumirira bato iri musarudzo dzemutungamiri wenyika dzichaitwa muna 2018.

VaMugabe, avo vapihwa zvakare masimba ekusarudza vatevedzeri vavo vaviri nasachigaro webato, vati vachatanga vadzidza pamire vanhu vakadomwa kupinda mu Central Committee kuitira kuti vazosarudze nhengo dze Politiburo itsva.

Vati vachaita izvi neChitatu svondo rinouya.

Nhengo dzekomiti yebato yepamusoro soro dzinosanganisara vatevedzeri vaviri vemutungamiri webato, sachigaro webato, munyori wezvemabasa emusangano, munyori wezvemitemo, murongi wemisangano nevamwe.

Politiburo itsva inenge iine nhengo makumi matatu.

Vachitaura pakuvharwa kwekongiresi, VaMugabe vamboti pasi neZanu PF, ndokuzogadzirisa voti pasi neMDC.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvabuda mukongiresi yeZanu PF zvinoratidza kuti bato iri rinoremekedza zvikuru VaMugabe avo vanzi vakwikwidze muna 2018 apo vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana.

Vanhu vakawanda vanga vakatarisira kuona kuti ndivanani vachadomwa kuva vatevedzeri vaVaMugabe pamwe nasachigaro sezvo mubato mange muine kurwira masimba kunotyisa.

Vanga vachirwira masimba vanonzi igurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nechikwata changa chichitsigira vanga vari mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru.

Asi munzira yekuenda kukongiresi zvinhu zvakaipira Amai Mujuru pakusvika kuti vashorwe zviri pachena naVaMugabe.

Amai Mujuru havana kana kumbotsika gumbo ravo kukongiresi.

Hurukuro naIrwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG