Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Voenda neNyika?


Grace Mugabe
Grace Mugabe

Mugari wemuChinhoyi, VaPeter Liwanda, vanoti zvave kuitwa naAmai Grace Mugabe mubato reZanu PF inzira yekuda kuchengetedza hupfumi hwemhuri yavo kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabva pachigaro.

Vanhu vakawanda munyika vanoti simba riri kushandiswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, mukuona kuti dzimwe nhengo dzeZanu PF harisi ravo asi kuti ndere murume wavo uyo ave kutadza kutungamira nemazvo hurumende pamwe nebato ravo reZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Mugabe vakatenderera nyika yose gore rapera vachinyomba nekufumura dzimwe nhengo izvo zvakakonzera kuti nhengo idzi dzidzingwe mubato reZanu PF.

Avo vakadzingwa mubato reZanu PF nekuda kwaAmai Mugabe vanosanganisira vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vaimbove makurukota ehurumende vaWebster Shamu, VaDzikamai Mavhaire nevamwe.

Mugari wemuChinhoyi, VaPeter Liwanda, vanoti zvave kuitwa naAmai Grace Mugabe mubato reZanu PF inzira yekuda kuchengetedza hupfumi hwemhuri yavo kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabva pachigaro.

Mumwe mugari wekuLions Den, VaCaleb Banda, vanoti kunyange Amai Mugabe vari kushandisa simba raVaMugabe, ivo vave nesimba ravo izvo zvinotaridzwa nehuwandu hwemakurukota ehurumende ari kupinda misangano yavo.

Izvi zvinotsigirwa nemuongorori wezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano re Zimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoti simba raAmai Mugabe rinopera nekufa kwaVaMugabe.

VaRuhanya vanoti Amai Mugabe havana chiremerera chinoita kuti vatungamirire nyika ino kana VaMugabe vabva pachigaro.

VaRuhanya vanoti kupinda mune zvematongerwo enyika kwaAmai Mugabe zvakarongwa naVaMugabe. Asi vanoti kuenderera mberi kwavave kuita dzave pfungwa dzavo vega dzekuda kutonga kana kukurudzira uyo achazotonga kana VaMugabe vabva pachigaro.

VaLiwanda vanoti kushandisa midziyo yehurumende pamisangano yavo zviri kuitwa naAmai Mugabe zvinhu zvagara zvichiitwa mubato reZanu PF.

Asi vamwe vanoti zviri kuita Amai Mugabe zvakanakira nyika sezvo vakafumura huwori hwakaitwa nedzimwe nhengo dzakadzingwa mubato reZanu PF.

Kunyange hazvo Amai Mugabe vasati vataura kuti vanoda kuve mutungamiri wenyika, vakawanda vanoti zviri pachena kuti vane chishuwo chekutonga nekuda kwekutungamira chimwe chikwata muZanu PF icho chinozivikanwa kuti “G40” chiri kukwikwidzana nechikwata chinonzi chinotungamirirwa nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti Amai Grace Mugabe munhu anopinda munzvimbo munguva dzinovanakira sezvo vaine mhanza yakanaka.

Vanhu ava vanopa mapindiro avakaita muhupenyu hwaVaMugabe apo VaMugabe vaive nemudzimai, muchakabvu Sally Mugabe.

Amai Mugabe vakaita vana vaviri naVaMugabe, Bona na Robert Junior, muchato waVaMugabe namuchakabvu Sally Mugabe, uchiripo.

Amai Sally Mugabe vakazoshaya muna Ndira 1992.

Pakapinda Amai Grace Mugabe muhupenyu hwaVaMugabe, pakaita mutauro mukuru, vamwe vedzisvondo vachiramba kubatanidza vaviri ava sevanhu vakarooranana.

Asi vamwe vakabvuma kubatanidza vaviri ava, izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, zvinogona zvakare kuitika muhupenyu hwemudzimai wemutungamiri wenyika munyaya dzematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG