Accessibility links

VaTomana Vanoti Nyaya yaGeneral Mujuru Yasvika kwaMvura Yacheka Makumbo

  • Blessing Zulu

Hofisi yemuchuchusi mukuru wenyika inoti nyaya yekufa kwavaimbove mukuru wemauto, VaSolomon Mujuru, yasvika kwamvura yacheka makumbo uye hapana humbowo hunoratidza kuti vakapondwa.

Asi gweta remhuri yemushakabvu, VaThakor Kewada, vaudza Studio 7 kuti mhuri yekwaVaMujuru haisi kuwirirana nedare ramajasitiriti rakaita ongororo iyi uye mashoko emuchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, sezvo ichiti ongororo iyi haisi kuvafadza. VaKaweda vanoti VaMujuru vanofanira kufukunurwa kuti paonekwe kuti chii chakavadya.

Muongororo yavo, mutongi wedare remajasitiriti raitungamira ongororo iyi, VaWalter Chikwanha, vakati hapana chinoratidza kuti VaMujuru vakapondwa.

VaTomana vanoti vanyora tsamba kumapurisa vachivazivisa kuti gwaro renyaya iyi rivharwe sezvo pasisina nyaya.

VaKewada vaudza Studio7 kuti panongodzoka Amai Mujuru kuIndia kwavari kushanya, vari kubva vakwidza nyaya iyi kudare repamusoro. Vatiwo vane humwe humbowo hwavari kunyimwa nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvemutemo, uye vari sachigaro weNCA vachidzidzisa zvakare paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti mhuri yekwaMujuru inenge yave kupedza nguva kuda kuita zvemitemo panyaya yezvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG