Accessibility links

Breaking News

Amai Mtetwa Vanowanikwa Vasina Mhosva neDare


Amai Beatrice Mtetwa
Amai Beatrice Mtetwa
Gweta rine mukurumbira munyika, Amai Beatrice Mtetwa, vanzi nedare ramejasitiriti havana mhosva pamhosva yavanga vachipomerwa yekuvhiringidza mapurisa kuita basa rawo.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakaitwa naAmai Mtetwa chekuti nyaya iyi iraswe, mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Rumbidzai Mugwagwa, vati hapana humbowo hunoratidza kuti Amai Mtetwa vane mhosva yavakapara.

Amai Mtetwa vanga vachipomerwa mhosva yekukanganisa mapurisa kuita basa rawo paaisunga Va Thabani Mpofu kumba kwavo ku Westgate mu Harare.

VaMpofu vaishanda muhofisi maVa Morgan Tsvangirai vachiri mutungamiri wehurumende. Hurumende yanga ichiti Amai Mtetwa vakakonzeresa kuti ma computer mana abviswe kune imwe hofisi yaVa Tsvangirai iri mumusha we Avondale kubudikidza nekutuka kwavanonzi vakaita mapurisa paaisecha kumba kwaVa Mpofu.

Mumapepa akasvitswa kudare, Amai Mtetwa vanonzi vakatuka mapurisa kuti “murimbwa dzaMugabe” uye vanonzi vakati kusecha kwaiitwa nemapurisa kumba kwaVa Mpofu kwaiva kunze kwemutemo.

Hurumende inotiwo Amai Mtetwa vakatora mifananidzo yema vhidhiyo yezvaitwa nemapurisa paaisunga Va Mpofu avo vari kupomerwa mhosva yekuferefeta vamwe vakuru-vakuru muhurumende nenyaya dzehuwori.

Mumutongo wavo, Amai Mugwagwa vati kutora mifananidzo haisi mhosva uye vati zvakabuda pachena pahumbowo hwakasvitswa pamberi pedare kuti hapana mifananidzo yakange yatorwa na Amai Mtetwa.

Vatiwo pakasungwa Amai Mtetwa nemapurisa vari pamba paVa Mpofu, mapurisa aikwanisa kuenderera mberi nekuita basa rawo vachiti hapana humbowo hwakasvitswa kudare nehurumende pamwe nehufakazi hwakaitwa mudare hunoratidza pane chakaitwa naAmai Mtetwa chakakonzera kuti mapurisa atadze kuita basa rawo.

Mushure mekunzi nedare havana mhosva, Amai Mtetwa vashevedzera kuti “freedom, I’m free now” kureva kuti “ndasununguka”.

Amai Mtetwa vaudza vatori venhau pavabuda mudare kuti hurumende yaida kuvashungurudza chete nekuvapomera mhosva iyi.

Vati kumiswa kwavanga vachiitwa pamberi pedare kwegore rese kwaivatadzisa kuita basa ravo rekurwira kodzero dzevanhu mumatare zvizere.

Amai Mtetwa vatiwo pakanga pasina chikonzero chekuti vawunzwe kumatare kubva pekutanga.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa magweta anorwira kodzero dzevanhu munguva iyo magweta aya anenge achiita basa rawo.

Mune imwewo nyaya, hurumende yanyorera tsamba magweta enhengo dze MDCT dzakawanikwa dzisina nyaya pamhosva yadzaipomerwa yekuponda mupurisa, Va Petros Mutedza, gore rapera paseri kuti midziyo yenhengo idzi idzoserwe mumawoko menhengo idzi.

Amai Mtetwa ndivo zvakare rimwe remagweta enhengo dze MDCT idzi.

Vakawanikwa vasina mhosva ava vanga vachiyaura kuti vawane midziyo yavo kubva kumapurisa kubva pavakanzi nedare repamusoro havana mhosva.

Mujeri masara nhengo nhanhatu dzakanzi dzirambe dzichimira pamberi pedare nenyaya iyi.

Nhengo dze MDCT idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa iyi dzichiti dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.
XS
SM
MD
LG