Accessibility links

Breaking News

Mitengo Yotarisirwa Kukwira Kutanga kweGore Rinouya


A woman looks happy after receiving bags of food

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nekurimwa kwechikafu dzinoti veruzhinji vanofanirwa kugadzirira kukwira kwemitengo yehupfu nechingwa nezvikamu makumi maviri kubva muzana mukutanga kwegore rinouya, sezvo pava nekushomeka kwechibage munyika.

Zimbabwe yanga ichitenga chibage kubva kunyika dzakaita seZambia neMalawi, asi zviri kunzi chibage chava kushomekawo munyika idzi panguva ino.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvekurima, VaMandla Nkomo, vanoti chimwe chiri kukonzera kushomeka kwechibage munyika, inyaya yekuti Zimbabwe haidi kutenga chibage chakavandudzwa, kana kuti genetically modified grain, icho chinorimwa kuSouth Africa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda ne Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti igaroziva kuti mitengo yezvinhu zvakaita sechibage ichakwira nekuti nyika dzakawanda dzinoda chibage ichi asi chiri chishoma munyika madzo.

XS
SM
MD
LG