Accessibility links

Breaking News

Kupokana muMDC-T Kobuda Mudunhu reManicaland


Mutare, Manicaland Province
Mutare, Manicaland Province
Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai mudunhu reManicaland dzinoti hadzisi kufara nemabatirwo ari kuitwa chirongwa chekusarudza vanhu vachamirira bato iri musarudzo dzemakanzura pamwe nenhengo dzeparamende.

Izvi zvzbuda mushure mamazuva maviri ekuita hurongwa uhu ayo anga azere nekukakavadzana, vamwe vachiti vari kuisirwa vanhu muzvimbo nehweseri kuti vazokwikwidza musarudzo idzi. Vanhu vanosungirwa kuvhota musarudzo idzi inhengo dzehutungamiriri hwebato kubva pa ward kusvika pa district level.

Nhengo dzeMDC-T dzinobva kumatunhu makumi maviri nenhanhatu dzange dziri pamuzinda webato iri mumusha weDarlington maMutare apo pange pachiongororwa mazita evachizovhota.

Mumwe wevanhu anoti haasi kufara nezviri kuitika ndiMuzvare Babra Mukahanana avo vanoti havafariri kupatsanuka kwaita bato izvo zvichazopa kuti risaite zvakanaka musarudzo dzenyika.

Muzvare Mukahanana vanoti vamwe muhutungamiri hweMDC-T vagara pazvigaro zvavo senhengo dzeparamende kwenguva yareba nekudaro vanofanirwa kupa vamwe mukana wekuuya nemamwe mazano matsva.

Kunyange hazvo idzi dziri pfungwa dzaMuzvare Mukahanana, mutemo webato unoti nhengo yeparamende, kana kanzura, anopihwa mukana wekutambirwa kana kusatambirwa nehutungamiri hwebato munzvimbo yaanomirira. Kana munhu uyu akasatambirwa nehutungamiri mudunhu rake, chigaro chake chinobva chaiswa pazvigaro zvinofanirwa kukwikwidzwa.

Mumiriri weChikanga-Dangamvura, VaGiles Mutsekwa , vanoti vafara nemafambiro ezvinhu kunyange paine zvimwe zvisina kunyatsomira nemazvo. VaMutsekwa vakasatambirwa nehutungamiri, vari kutarisirwa kusangana negweta rine mukurumbira, VaArnold Tsunga, pamwe nevaimbove meya weguta reMutare, VaBrian Leslie James, musarudzo dzema primaries.

Mumiriri weMutare Central mudare reparamende, VaInnocent Gonese, kana vasina kutambirwa nehutungamiri hwebato munzvimbo yavo, vari kutarisirwa kuzotatsurana navaimbove makanzura eguta reMutare, VaFarai Arutura naVaKnowledge Nyamhoka. Asi VaGonese varamba kutaura pamusoro pezviri kuitika mubato ravo.

Mutauriri weMDC-T mudunhu reManicaland, VaPishai Muchauraya, uye vari mumiriri weMakoni South mudare reparamende, vanoti zvinetswa zviri kuwanikwa mubato mavo zvichagadzirisa. VaMuchauraya vakasatambirwa, vachange vokwikwidzana nemutori wenhau ane mukurumbira, VaGeoff Nyarota.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG