Zvikonzi zvedare redzimhosva zvinonzi zvatora motokari nhatu dzanga dziri pamuzinda we MDC pa Harvest House.
Mushure mezvo zvinonzi zvapwanya gedhi repamba pemutungamiri webato iri, Va Morgan Tsvangirai, zvichida kutora midziyo mumba mavo zvichitevera nyaya yakakwidzwa nevamwe vashandi vaimboshandira bato iri.
Zvikonzi zvinonzi zvasvika pamuzinda weMDC pa Harvest House zviine mapurisa anga akapakatira zvombo zvichida kutora midziyo yebato iri zvichitevera nyaya yakakwidzwa kudare naVaHadson Mavhangira nevamwe vavo gumi nevatatu avo vaimboshandira bato iri.
Vashandi ava vakahwinha nyaya yavo mudare yekuti vapihwe mari dzavo dzinosvika zviuru mazana mana nemakumi mapfumbamwe nezviri zvemadhora asi MDCT iri kukwidza mutongo uyu mumapepa ayo akasvitswa kudare nezuro.
Mutauriri we MDCT, Va Obert Gutu, vanoti motokari nhatu dzatorwa nezvikonzi izvi pamahofisi ebato ravo hadzisi dzeMDC.
Zvikonzi izvi pazvabva pa Harvest House zvabva zvaenda kumba kwaVa Tsvangirai ku Highlands uko kwazvinonzi zvapwanya gedhi ndokupinda zvikatanga kuburitsa zvinhu mumba maVa Tsvangirai.
Va Gutu vati vazomhanyira kudare repamusoro re High Court kwavazonoona chikonzi chikuru chedare iri icho chazomisa kutakurwa kwezvinhu zvaVa Tsvangirai.
Vaenderera mberi vachiti zvose izvi zviri kuitwa kuda kusvibisa zita raVa Tsvangirai avo vange vaine musangano nevatsigiri vavo ku Hauna munharaunda yeMutasa ku Manicaland panga pachiitika zvose izvi
Mapepa akasvitswa kudare repamusoro ne MDC-T nezuro anoti Va Mavhangira nevamwe vavo havana mari yemihoro yavanofanira kupihwa sezvo vakatiza basa vachitevera Va Tendai Biti nevamwe vavo avo vakawumba bato ravo ravari kushevedza kuti MDC Renewal Team.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemagweta ari kumirira Va Mavhangira nevamwe vavo.