Accessibility links

Breaking News

Amai Holland naVaNcube Vofanobata Matomu mu United MDC

Sekai Holland
Sekai Holland

MDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube yabatana neChitatu zviri pamutemo neMDC Renewal Team mukuumbwa kwebato idzva riri kudaidzwa kuti United MDC.

Zvikwata zviviri izvi zvakapandukira MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai mushure mekutadza kuwirirana mune zvakawanda.

Vachitaura pakusainwa kwaitwa gwaro rekubatana kwemapato aya, Amai Sekai Holland, avo vanga vakafanobata chigaro chemutungamiri webato mu MDC Renewal Team, vati vaona zvakakodzera kuti mapato avo abatane senzira yekuedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nezvizvarwa zve Zimbabwe. Amai Holland ndivo mumwe wevatungamiri achafanobata matomu mu United MDC.

Vanga vachitungamirawo chimwe chipoka che MDC, Va Welshman Ncube, ndivo vacgange vakabatawo matomu pamwe naAmai Holland.

VaNcube vanoti vaona zvakakodzera kuti vabatane ne MDC Renewal Team kuitira kuti vadzokere mugwara rekuzadzisa zvavakawirirana nevamwe pakavambwa bato re MDC muna 1999.

Va Ncube vakabuda mu MDC isati yatsemuka muna 2005 zvichitevera kusawirirana naVa Tsvangirai panyaya yekukwikwidza musarudzo itsva dzedare reseneti.

Ukuwo vaimbove munyori mukuru weMDC-T, Va Tendai Biti, nevamwe vavo vakadzingwa mubato iri, vakaumba chikwata chinozviti MDC Renewal Team muna Kubvumbi vachiti pave kuda hutungamiri hutsva hune pfungwa itsva.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, Va Sidney Masamvu, vanoti mapato ese ari munyika anopikisa Zanu PF anofanira kushanda pamwe chete kuitira kuti awedzere mukana wawo wekukunda musarudzo dzakatarisirwa muna 2018 pakatariswa nyaya dzekusawirirana kuri mu Zanu PF pari zvino.

Pakubatana kwaita MDC inotungamirwa naVa Ncube ne Renewal Team kwaitwa pane vemasangano anoshanda akazvimirira pamwe nevamiriri vedzimwe nyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hadzisi kushamiswa nekubatana kwaitika nhasi nokuti vamwe vevanhu vazhinji kudivi reMDC Renewal Team vakambosiya VaTsvangirai pakapatsanuka bato iri muna Gumiguru 2005 vakaenda naVaNcube.

Nyanzvi idzi dzinoti vanhu ava vakazodzoka kuna VaTsvangirai vachiti vakanga vabatana naVaNcube vasingazive tsoro yaivepo yainge yakarongwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG