Accessibility links

Breaking News

Hutungamiri hweApex Council Honetsana


Sangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, rapindwa nemakakatanwa makukutu zvichitevera kuramba kuri kuita mamwe masangano anove nhengo dzesangano iri kutambira kudomwa kwaAmai Cecilia Alexander, vanove mutungamiri wePublic Service Association, PSA, sasachigaro mutsva.

Masangano anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ neTeachers Union of Zimbabwe, TUZ, ari kuramba kutambira Amai Alexander nezvikonzero zvekuti vakashanda mukomiti yaitungamirwa naAmai Tendai Chikowore iri kusiya basa, vari munyori mukuru, vachiti havangadzoki vakapfeka rimwe bhatye rasachigaro weApex Council.

Nguva yaAmai Chikowore, avo vanobva kuZimta, inonzi yakapera muna Kukadzi wegore rino, asi yakawedzerwa kuitira kuti vapedze hurukuro dzemihoro dzaiitwa.

Chibvumirano chakaitwa nenhengo dzeApex Council chinopa mukana wekuti husachigaro hutenderere mumasangano anoti PSA, Zimta, PTUZ, TUZ neCollege Lecturers Association of Zimbabwe, kunyange hazvo izvi zvisiri mubumbiro remitemo resangano.

Musangano wanga wakatarisirwa kuitwa neChitatu wekuchinjana hutungamiri unonzi waendeswa mberi kumusi weMuvhuro svondo rinouya nekuda kwekusawirirana uku.

Makakatanwa aya anouya panguva iyo vashandi vehurumende vari kurwisana nehurumende vachida kuwedzerwa mari dzemihoro.

Mukuru weTUZ, VaManuel Nyawo, vaudza Studio7 kuti zvimwe zvikonzero zviri kuita kuti varambe Amai Alexander inyaya yekuti havaoni vachikwanisa kukwezva nhengo dzavo kuti dzipinde mukuratidzira, sezvakaonekwa mukuratidzira kwevashandi vehurumende nemusi weChipiri.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vatiwo kuramba kwavo kutambira Amai Alexander hakurevi kuti vari kuramba kucherechedza kuti sangano rePSA ndiro rave kufanirwa kutora husachigaro hweApex Council.

Vatiwo Amai Alexander vari kubva kusangano remubatanidzwa, asi bumbiro reApex Council rinoti munhu anofanirwa kubva kusangano revashandi.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vati sangano ravo harikwanisi kuramba Amai Alexander, sezvo richimira nechibvumirano chekuti hutungamiri hweApex Council huitwe madzoro.

Asi munyori mukuru wePSA, VaEmmanuel Tichareva, vatiwo sangano ravo rakaona zvakakodzera kuti ridome Amai Alexander semunhu akakodzera kutora chigaro chasachigaro weApex Council, uye richasangana mukati memazuva maviri anotevera kuti vaone danho ravangatora.

XS
SM
MD
LG