Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopa VaZuma Pfungwa Dzawo paNyaya yeSarudzo


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzapeta misangano yadzo nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa dzikakwanisa kupiwa magwaro epamire mapato matatu aya panyaya yehwaro hwesarudzo kana kuti elections road map.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhumwa dzaVaZuma dzichitungamirwa naMuzvare Lindiwe Zulu dzinoti hadzisi kuda kuti munyika muitwe sarudzo pasati pavandudzwa mitemo inonzi nevakawanda iri kushandiswa neZanu-PF kubiridzira sarudzo.

Nhumwa idzi dziri kubuda pachena kuti zviri kudiwa neZanu-PF zvekuti paitwe sarudzo nechimbichimbi pasina kuvandudzwa hazvisi kuzotevedzerwa.

VaZuma vanonzi vari kuda kuti misariridzwa yeGlobal Political Agreement izadziswe ponyorwawo bumbiro idzva remitemo yenyika.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakaendesawo gwaro riri kukurudzira masoja nemapurisa kuti asapindree munyaya dzesarudzo uye kuti pasave mhirizhonga panoitwa sarudzo.

VaZuma vave kutarisirwa kunogara pasi vonyora gwaro rine gwara richashandiswa pakuitwa sarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti panyaya yekuvandudza zvinhu muZimbabwe kutenda maruva wadya chakata.

XS
SM
MD
LG