Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inombomisa VaMangoma Basa


VaElton Mangoma
VaElton Mangoma
Komiti yepamusoro soro yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yambomisa basa mutevedzeri wemubati wehomwe, Va Elton Mangoma, zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva ina.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wekomiti yepamusoro soro ye National Council yebato ravo, mutauriri we MDC-T, Va Douglas Mwonzora, vati Va Mangoma vawanikwa nekomiti iyi vaine mhosva ina.

Vaenderera mberi vachiti Va Mangoma vawanikwawo vaine mhosva yekushandisa mari yebato zvisiri pamutemo webato ravo kubudikidza nekuita misangano mumatunhu mazhinji munyika vachikurudzira kuti bato re MDC-T ritsemuke nepakati.

Va Mwonzora vati Va Mangoma vachamiswa pamberi pekomiti ichawumbwa munguva pfupi iri kutevera kuti vapindure kumhosva dzavari kupomerwa idzi

Vati komiti iyi ichange ine magweta matatu asinei nechekuita ne MDCT.

Va Mwonzora vatiwo tsvagiridzo yakaitwa nebato ravo ravo yakaburitsa pachena kuti Va Mangoma havana kurohwa nenhengo dzebato ravo asi kuti vakarohwa nemunhu asiri kuzivikanwa mubato ravo.

Vatiwo vakasvitsa mifananidzo yevhidhiyo yemunhu uyu kumapurisa asi mapurisa ari kuramba kuferefeta nyaya iyi.

Pane nhengo dze MDC-T ina dzakatosungwa dzichipomerwa mhosva yekurova Va Mangoma dzikagara mujeri kwesvondo dzisati dzabhadhariswa mari yekuti dzitongwe dzichibva kumba marimwezuro

Va Mangoma vakanyorera Va Tsvangirai tsamba yakazobuditswa nemapepanhau yaiti Va Tsvangirai vanofanira kusiya chigaro nechimbichimbi vachiti havachakodzera kutungamira bato iri zvichitevera kukundwa kwakaita bato iri ne ZANU PF musarudzo dzegore rapera

Asi nhasi mapurovhinzi e MDC-T ose ari gumi nemaviri atsigira Va Tsvangirai uye avhota ese kuti Va Mangoma vambomiswa basa.

Mapurisa anorwisana nemvongamupopoto aswerawo pamuzinda we MDCT pa Harvest House apo panga pachiitirwa musangano uyu

Vatsigiri vebato iri vanga vakaungana panze vasveveredza munyori mukuru mu MDC-T, Va Tendai Biti, pavabuda mumusangano uyu ndokuimba vachishora Va Mangoma.

VaBiti vaitawo musangano nevatori venhau vakati zvaitwa pana VaMangoma zviri kunze kwemitemo.

Asi VaMwonzora vanoti zvisungo zvaitwa neNational Council zvaitwa VaBiti varimo, uye havana kupikisa.

Nhengo dze MDCT idzi idzo dzanga dzichisvika mazana maviri dzanga dzichiimba dzichitamba kongonya dzichirumbidzawo Va Tsvangirai dziri panze pemuzinda webato iri.

Dzimwe dzenhengo idzi dzarohwa nemapurisa kuti dzibve pamahaofisi aya uye mapurisa anga achirova vanhu vese vanga vachida kupfuura nemapamahofisi aya.
XS
SM
MD
LG