HARARE —
Mutungamiri we Mavambo Kusile Dawn, MKD, Va Simba Makoni, vanoti vari kuda kuti mapato ose ezvematongerwo enyika aite mushandira pamwe musarudzo dzinotevera vachiti vatungamiri vese vanofanira kunge vari mumubatanidzwa uyu, kwete kuita rusarura.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo mu Harare neChitatu, mutungamiri we MKD, Va Simba Makoni, vati vakazvipira kupinda mumushandira pamwe wemapato ezvematongerwo enyika anoda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere. Va Makoni vati vanoda kushanda pamwe chete nevatungamiri vemapato ese ezvematongerwo enyika.
Mashoko aVa Makoni aya anopesana neemutungamiri werimwe boka re MDC, Va Welshman Ncube, avo vanoti havasi kuzobvuma kupinda mumushandira pamwe unenge une mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, mukati.
Va Ncube vanoti havakwanise kushanda naVa Tsvangirai vachivapomera mhosva yekutyora bumbiro remitemo rebato ravo pamwe nekushandisa mhirizhiong.
Asi Va Tsvangirai vanoramba mashoko aVaNcube vachiti VaNcube munhu aifunga kuti ane vatsigiri vakawanda, izvo zvakaita kuti vakare masimba.
Va Makoni vati vakataura naVa Tsvangira pamwe nemunyori mukuru mubato iri uyo akadzingwa mu MDCT, Va Tendai Biti. Va Makoni vanoti vakaudza vaviri ava kuti zvose zvavari kuita hazvivake musangano wavo uye hazvienderane nekurwira hutongi hwejekerere munyika.
Va Biti vakabudawo pachena kuti zvava kutoda mushandira pamwe wemapato ezvematongerwo enyika wavari kudaidza kuti United Democratic Front kuti vakunde Zanu PF musarudzo. Nekune rumwe rutivi, Va Tsvangirai vari kurudzira mapato ese ezvematongerwo enyika kuti aitewo mushandirapamwe nebato ravo.
Va Makoni vati mushandira pamwe ndiwo wega unokwanisa kupedza matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika.
Va Makoni vati pane vanhu vakawanda vari mu Zanu PF, mumabhizimusi, mudzisvondo, vemapato ezvematongerwo enyika vari kuda kuti paumbwe mushandira pamwe uyu asi vati vanhu vazhinji vazere nekutya zviri kuita kuti vasabude pachena.
Pavabvunzwa kuti sei zviri kutora nguva yakareba kuti mushandira pamwe uyu uumbwe iwo mapato mazhinji ari kungotaura nyaya imwe cheteyo, Va Makoni vati havasi kuda kukurumidza kutsenga kumedza vachada. Vati chiri kunetsa ndechekuti vamwe vatungamiri vemapato vanoda kunge vari pamusoro pevamwe, uye vamwe havataure zviri pamoyo pavo.
Mutungamiri we Zapu, Va Dumiso Dabengwa, pamwe nemutungamiri we Democratic Party, Va Urayayi Zembe, vakabudawo pachena vachiti vari kuda kuti mushandira pamwe wemapato uyu uumbwe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mapato ezvematongerwo enyika akashanda pamwe chete pamberi pesarudzo zvinoapa mukana wakakura kwazvo wekukunda Zanu PF musarudzo.