Accessibility links

Breaking News

Machechi Odawo Kushanda neJOMIC


Vemachechi mudunhu reManicaland vanoti vanodawo kupihwa mukana wekuti vaite basa rekukurudzira kupedzwa kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika. Vemachechi vanoti vanotarisira kuti vaiswewo muboka re-Joint Monitoring and Implementation Committee, JOMIC, kuitira kuti vakwanise kuita basa iri nemazvo.

Vemachechi vataura mashoko aya neChipiri pamusangano waitwa maMutare wakarongwa neve-JOMIC wekuisa musoro pamwe chete kuti vangashanda sei nemamwe mapoka mukukurudzira runyararo munyika.


Vakuru vemachechi vanoti vanoona zvakakodzera kuti vange vari mu-JOMIC sezvo paine hurongwa hwekuti muboka iri munge muna ishe kana sabhuku.

Reverand Ngoni Mukarakate vanoti vemachechi, avo vane vanhu vakawanda vanopinda dzisvondo dzakasiyana siyana, vanodawo kushanda neJOMIC mukusimbaradza shoko rerunyararo muvanhu.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Mufundisi Albert Rore vanotiwo vakuru vemachechi vanogaronzi vasiyane nezvematongerwo enyika, asi panyaya yezvemhirizhonga vemachechi vanofanirwa kutungamidzwa mberi sezviri kuda kuitwa madzishe munyaya iyi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato re-MDC-T mudunhu reManicaland, VaProsper Mutseyami, vaudza vemachechi kuti hurongwa hwekuisa muJOMIC masabhuku kana madzishe huchiri kutangisa.

VaMutseyami vati JOMIC pachayo yanga isangade kuti vanhu vawandise muboka iri sezvo zvichizodzorera basa rayo shure.

Vanoona nezvemabasa ezvematongerwo enyika muZanu PF mudunhu reManicaland, VaTendai Samanga, vatiwo vemachechi vanokwanisa kubata basa iri vari kunze kweJOMIC pamwe nekupinda mumisangano iyi kumaruwa vachipawo pfungwa dzavo.


Boka reJOMIC rakaumbwa mushure mechibvumirano cheGlobal Political Agreement chemusi wa15 Gunyana 2008 icho chakaunza hurumende yemubatanidzwa.

JOMIC yava nemakomiti mumatunhu ose enyika umo iri kukurudzira vanhu kugarisana zvakanaka.

Musangano uyu wapindwa nevakuru vemachechi akasiyana-siyana, vemapato ezvematongerwo enyika, mapurisa pamwe nevagari vemaMutare.

XS
SM
MD
LG