Accessibility links

Breaking News

Copac Yonetsana neMamwe Masangano Akazvimirira Oga


Masachigaro maviri ekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika vari kupesana pamashoko ekuti masangano akazvimirira anofanirwa kutanga anyoresa kuitira kuti akwanise kuongorora chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Kupesana uku kunotevera mashoko akanga abuda ekutiwo masangano aya anogona kusungiswa kana akaita ongororo iyi asina kutanga anyoresa.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaEdward Mkhosi, veMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, vanoti masangano aya anofanirwa kunyoresa nesangano reZimbabwe Media Commission, iro rinopa vatori venhau mvumo yekuita basa ravo munyika.

Asi mumwe wemasachigaro aya, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti masangano aya anofanirwa kunyoresa neCOPAC, kwete neZMC.

VaMwonzora vatiwo COPAC inobvumidza masangano aya kuongorora hurongwa uhu kana vachizvizivisa kuti ndivanaani, uye kuti vanoda kuiteyi, kwete kunyepa vachizvivanza sezviri kuitwa nevamwe.

Pane mashoko anoti VaMwonzora naVaPaul Mangwana veZanu PF vari kuda kuti mapurisa asunge vaongorori vemasangano akaita seZimbabwe Peace Project, Zimbabwe Election Support Network, pamwe neZimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe, sezvo vasiri vechokwadi uye vari kusvibisa hurongwa uhu.

VaMwonzora vati vachasangana nemasangano akazvimirira neChipiri kuitira kuti pagadziriswe zviri kunetsa

Mutauriri wesangano reNCA, iro rakaramba kupinda muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva, VaMadock Chivasa, vanoti kana COPAC ichida kurambidza vaongorori vakazvimirira, pane chairi kuvanza.

Mashoko ari kubva kuMashonaland East anoti kunyange hazvo kutyisidzirana kwadzikira, vanhu vakawanda vari kupinda muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, ndeve ZANU-PF chete, izvo zvichapa kuti zvido zveveruzhinji munzvimbo iyi zvisanzwikwe.

Zimbabwe inofanirwa kuumba bumbiro idzva remitemo yenyika mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende yemushandira pamwe. Pava nemwedzi gumi neminomwe hurumende iyi yava kushanda. Mushure mekunyorwa kwebumbiro iri, panofanirwa kuitwa referendamu yekubvunza vanhu kana vachida kana kusada kutambira bumbiro iri.

Pasi pechibvumirano chehurumende yemushandira pamwe, Zimbabwe inofanirwa kuita sarudzo mukati memwedzi makumi maviri nemina kubva pakagadzwa hurumende iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chava mumashure menguva zvokuti zvakabvumiranwa muchibvumirano ichi, zvichatadzwa kuitwa munguva yakatarwa.

XS
SM
MD
LG