Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere: Hakuna Mushandi weHarare Council Anodzingwa Basa


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Gurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu, Va Saviour Kasukuwere, vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yeHarare rekumisa vashandi zviuru zvitatu basa.

Va Kasukuwere vati bazi ravo harisi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru ye Harare vachiti havawone chikonzero chekuti vashandi ava vadzingwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Kasukuwere vati vachatora matanho ekuti vashandi ava varambe vari pabasa.

Asi meya we Harare, Va Benard Manyenyeni, vati Va Kasukuwere vakurumidza kumedza kutsenga vachada vachiti zvakaitwa nekanzuru zvaive pamutemo.

Zvichakadai, komiti ye MDC-T inomirira purovhinzi yeHarare yaburitsa mashoko ekuti sebato rine maknzura mazhinji mukanzuru ye Harare havasi kuzobvuma kuti vashandi vekanzuru ava vadzingwe mabasa.

Sachigaro we MDC-T mupurovhinzi yeHarare, Va Eric Murai, vati danho rekudzinga vashandi vekanzuru rakaitwa nemakanzura mashomana achishanda pamwe chete nemasachigaro emakomiti emukanzuru iyi.

Va Murai vati vachatora matanho sebato kuti makanzura ese paachasangana asabvume kuti vashandi ava vadzingwe mabasa.

Zvichakadai, komiti yeboka revechidiki mu MDC-T inomirira purovhinzi ye Harare, yaburitsawo mashoko ekukurudzira kuti meya we Harare, Va Manyenyeni nemamwe makanzura anonzi akaita musangano nemasachiogaro emakomiti ekanzuru anowona nezvemari nevashandi vambomiswa basa.

Mashoko eboka revechidiki iri anotiwo pawumbwa komiti ichaferefeta makanzura aya.

Kudzingwa kwevashandi mukanzuru ye Harare kunouyawo apo dare reparamende rakapasisa bhiri rinobata nyaya dzevashandi iro rinoti vashandi vanofanira kupihwa mari yakakodzera kana vachinge vamiswa basa.

Rimwe remasangano anomirira vashandi munyika re Zimbabwe Congress of Trade Unios rinoti pane vashandi vanodarika zviuru makumi maviri vakamiswa basa mumakambani akasiyana-siyana kubva pakaturwa mutongo nedare re Supreme Court wekuti mushandirwi anogona kudzinga mushandi kana aziviswa nezvekudzingwa uku mushandi achipihwa mari yemwedzi mitatu asingaende kubasa.

XS
SM
MD
LG