Nyaya yesarudzo yeHurungwe West yakora muto zvichitevera danho ratorwa naVaTemba Mliswa, avo vakwidza nyaya mudare resarudzo vachiti VaKeith Guzah veZanu PF, havafanirwe kumirira dunhu iri muparamende, nekuti havana kuudza Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti vakambokandwa mujeri kwemwedzi inodarika mitanhatu.
Gweta raVaMliswa, VaDunhira Hungwe, vanoti VaGuzah vakasarudzwa zvisiri pamutemo nekuti vakambobatwa nemhosva yekuba motokari.
VaHungwe vanoti pamusoro pechikonzero chava kuzivikanwa nevanhu vakawanda chekuti VaGuzah vainge vasiri mugwaro revavhoti sezvinodikanwa nemitemo yesarudzo, vane humwe hombowo hwekuti VaGuzah vakambobatwa nenyayayekuba motokari vakapika mujeri.
VaHungwe vanoti VaGuzah pavakabatwa nemhosva iyi vaishandisa zita rekuti Never Phiri. VaHungwe vanoti vakatsvaka humbowo kumatare edzimhosva uye vachapa hufakazi mudare kana nyaya yavakwidza yava kutongwa.
VaHungwe vanoti vane humboo zvakare hwekuti VaGuzah vakapiwa mutongo unodarika mwedzi mitanhatu izvo zvaita kuti vakwidze nyaya iyi kumatare. Vati pakasungwa VaGuzah vaishandisa zita rekuti Never Phiri, uye mugwaro revavhoti vekuMagunje, VaGuza vakanyoresa zita rekuti Never Keith Guzah.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kana munhu asiri mugwaro revavhoti, haakodzeri kupinda musarudzo dzemudunhu rinenge riine sarudzo.
Asi ZEC inoti zvayakaita zvaiva pamutemo nekuti VaGuzah vakazivisa kuti vainge vobva kuMagunje vachienda kuHurungwe West.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaGuzah panyaya yava mudare itsva iyi.