Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rinoita Musangano weChimbichimbi neChina weKuzeya Mari dzeNyika


Dare remakurukota neChina rakaita musangano wakakosha wechimbi chimbi wekuzeya nyaya yemamiriro akaita hupfumi hwenyika hunonzi hwaramba huri mamvemve.

Vane ruzivo nezvaitika mumusangano uyu vanoti pange pachikandiranwa makobvu nematete mumusangano uyu.

Munyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vanoti gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, ndivo vakakumbira kuti musangano uyu uitwe kuti paonekwe kuti sei hurumende iri kutadza kumutsiridza hupfumi hwayo.

VaBiti vanonzi ndivo vatanga kuparura gwaro remamiriro akaita hupfumi richiratidza pachena kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika. Nyaya dzinonzi dzakurukurwa dzinosanganisira nyaya yekusafambiswa zvakanaka kwemari yemangoda makurukota eMDC achiti mari yose inobva kumangonda nezvimwe zvicherwa inofanirwa kuendeswa kuhomwe yehurumende.

Mari dzinotorwa semutero kubva kumamwe mapazi akaita sebazi remitemo, rekutakurwa kwezvinhu, nemamwe dzanzi dziindewo muhomwe yehurumende kuitira kuti zvijeke kuti dziri kufamba sei.

Zvinonzi paitawo kunetsana kwakanyanya pakati paVaBiti negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, panyaya yekupinzwa basa kwemauto anodarika zviuru zvina pasina mari yekuvapa. Izvi zvanzi zvinofanira kumiswa kunyange hazvo hurumende isisakwanise kuburitsa basa vakapinzwa basa nenzira isiri kwayo.

Zvinonziwo dare ratenderana kuti vatungamiri vehurumende havafanire kuramba vachingofamba kuenda kunze kwenyika negurusvusvu revanhu sezvo zvave kusiya nyika isina mari.

Zimbabwe, iyo yave kutopfuura makore gumi ichitatarika munyaya dzezvehupfumi, iri kutadza kusimuka mumadhaka mairi kunyange hazvo zvinhu zvakamboti rerukeyi pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Zimbabwe, iyo yakakomborerwa nemangoda akawanda, zvikuru kwaMarange kuManicaland, migodhi yegoridhe nepuratinamu nezvimwe zvicherwa, iri kutadza kufambira mberi kunyange iine hupfumi hwayo.

Mangoda ari kucherwa kwaMarange ari kukonzera kusawirirana kwakanyanya munyika uye kudeuka kweropa nehuori.

Vamwe vanoti nyaya yezvematongerwo enyika ndiyo iri kupa kuti zvinhu zvitadze kufamba nekuti hapana kuwirirana pagwara rekutora, izvo zviri kutadzisa kufambira mberi kwehurumende yemubatanidzwa. Nyaya iri kunetsa mazuva ano inyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.

Zanu-PF inoti kuti nyika ifambire mberi zvakanaka, hupfumi hunofanira kuendeswa kuvatema. Asi mapato maviri eMDC anoti kunyange asina daka nekuti hupfumi huende kuvatema, nyaya yehuori inokonzerwa nenhafu ndiyo yovapa kuti vati chirongwa ichi chinofanira kuitwa pashoma nepashoma.

Zvikwereti zveZimbabwe zviri kuramba zvichikwira uye zviri kutarisirwa kusvika pamabhiriyoni masere panopera gore rino.

Mari yakawanda yehurumende iri kuperera mukubhadhara vashandi vehurumende uye izvi zvinonzi zviri kuwedzerwawo nekungopinzwa basa kwevamwe vanhu vanosanganisira mauto.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti kusamira zvakanaka kwenyaya dzezvematongerwo enyika ndiko kwopa kuti kugadzirisa nyaya yehupfumi kunetse.

Nhengo yeparamende yeZanu-PF kuGoromonzi North, uye vari sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehurongwa hwekufambiswa kwemari kana kuti bhajeti komiti, VaPaddy Zhanda, vanoti nyaya yehuori ndiyo iri kudzorera nyika kumashure.

XS
SM
MD
LG