Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Hapana Chisungo Chaitwa paMari dzeKubatsirika kweVarairidzi


Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, varamba mashoko aburitswa nebepanhau reThe Herald ekuti neChitatu vakazivisa kuti varairidzi vekumaruwa vachawaniswa zvikamu makumi maviri kubva muzana zvemari dzavanotambiriswa, semari dzekubatsirikana idzo vasiri kuwana sezviri kuitwa nevamwe vavo vanodzidzisa kumadhorobha, avo vari kupiwa mari idzi nevabereki.

VaColtart vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi ichiri kukurukurwa nezvayo nedare remakurukota, uye hapana chisungo chati chaburitswa.

Nyaya iyi inonzi yanga yaunza mutauro muvarairidzi, avo vanga vachiti VaColtart havana kuvasuma vasati vaburitsa nyaya iyi.

Nyaya yemari dzekubatsirikana iri kupa kusawirirana mukati mevarairidzi, sezvo vasiri vose varairidzi vari kuwana mari dzekubatsirikana idzi.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo rinotambira hurongwa hwekuti varairidzi vapihwe mari dzekubatsirikana, kana chete husingaparadzanisi varairidzi.

VaMajongwe vanoti nhengo dzavo dzingangoramwa mabasa pachavhurwa zvikoro svondo rinouya kana pasina chaburitswa nehurukuro dzemihoro.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vanotiwo sangano ravo harisati ranzwa kubva kuhurumende pamusoro pehurongwa uhwu. Vatiwo hutungamiri hwesangano ravo huri kusangana kuti huzeye nezvenyaya dzemihoro, hwozoti hwobuda nechisungo.

XS
SM
MD
LG