Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanoti Dare reMakurukota Rinotsigira Essar Africa Holdings


Dare remakurukota rinonzi neMuvhuro rakakomekedza gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, kuti vape mighodhi yeRipple Creek, Buchwa neMwanezi kukambani yeEssar Africa Holidngs, kuitira kuti itange basa rekumutsiridza kambani yeZimbabwe Iron and Steel Company sezvakabvumiramwa nehurumende yeZimbabwe neEssar Africa Holdings.

Kunyange hazvo dare iri rakaita chisungo chekuti izvi zviitwe masvondo matatu apfuura, VaMpofu vanonzi vange vari kutsika madziro vachiti bazi ravo rainge richida kupa Essar Buchwa neRipple Creek chete.

Asi vachitaura nevatori venhau pachirongwa cheQuill Speak manheru eMuvhuro, gurukota rezvemaindasitiri, VaWelsman Ncube, vakati dare remakurukota rakazeya nyaya yeEssar pamusangano waro rikati VaMpfofu vatevedzere chisungo chedare iri kwete kuita zvemusoro wavo.

VaNcube vakati vanovimba kuti vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vachaona kuti VaMpofu vaita zvechimbimbi kuitira kuti chibvumirano cheEssar neZimbabwe chifambire mberi.

Vakatiwo dare remakurukota rakatenderanawo kuti kambani ichange ichichera simbi pasi pechibvumirano ichi, yeNewzim Minerals, itevedzere mutemo wekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvanhu vemuno.

Pari zvino Essar ine zvikamu makumi masere kubva muzana, ukuwo hurumende ine zvikamu makumi maviri kubva muzana mukambani yeNewzim Minerals.

Bazi rezvezvicherwa range riri kuramba kuti Essar ipihwe mighodhi yeBuchwa, Ripple Creek neMwanezi richiti mighodhi iyi ine simbi dzinokosha mabhiriyoni makumi matatu kana kudarika emadhora uye hazvigoni kuti simbi idzi dzingopihwe pachena.

Masvondo maviri apfuura, VaMpofu vakaudza komiti yeparamende inoona nezvemaindasitiri kuti bazi ravo rainge riri kuongorora kuti migodhi iyi ingaite marii risati raipa kuEssar.
Asi VaNcube vakati mutemo wemuZimbabwe haubvumidze izvi vachiti hakuna kana kambani imwe zvayo yakatengeserwa zvicherwa zvainenge isati yachera.

VaNcube vakatiwo vane hurombo nekuti bazi rezvemugodhi rainge risina kukokwa panhaurirano dzechibvumirano neEssar asi vakati izvi handizvo zvingavhiringe chibvumirano ichi sezvo VaMpofu, varivo vainge vatanga nhaurirano dzekumutsiridza Ziscosteel apo vaiona nezvemaindasitiri pasati pave nehurumende yemubatanidzwa.

Kambani yeEssar, iyo yange iri kubhadhara vashandi veZiscosteel kubva gore rapfuura yakamirira kuti chibvumirano chitange kushanda, yakamira kubhadhara vashandi ava mwedzi miviri yapfuura ichigunun’una nemaitiro ehurumende yeZimbabwe ekutadza kutevedza zviri muchibvumirano.

XS
SM
MD
LG