Accessibility links

Breaking News

VaMangwana Vanoti Draft Constitution Yava Pedyo Kubuda


Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu PF, vanoti vave negwaro rinoratidza zviri kudiwa neveruzhinji munyika kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMangwana vanoti kunyorwa kwe Draft Constitution kuchaitwa mukati memazuva makumi matatu nemashanu. Vatiwo komiti yavo ichaita musangano ku Masvingo svondo rinouya wekuronga kuti bumbiro richaenda kunovhoterwa neveruzhinji ronyorwa sei.

VaMangwana vanoti patove nenyanzvi dzekunyorwa kwebumbiro idzva dzavakasarudza kuitira kuti dzitungamirire kunyorwa kwe Draft Constitution.

Pasi pechibvumirano chekaumba hurumende yemubatanidzwa, cheGlobal Political Agreement, Zimbabwe inofanirwa kutanga yanyora bumbiro idzva remitemo yenyika pasati paitwa sarudzo. Bumbiro idzva iri, kana kuti Draft Constitution, rinofanirwa kuvhoterwa pareferendamu senzira yekuona kuti vanhu vanoridza here kana kuti kwete.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti sarudzo dzichaitwa kana pave nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vane ruzivo nezviri mugwaro rakabuda nekomiti yaVaMangwana vanoti vanhu vakawanda vari kuda kuti paite mutungamiri wenyika ane masimba akawanda kana kuti Executive President asi pasina mutungamiri wehurumende, kana kuti Prime Minister. Vanhu vanonziwo vari kuti havasi kuda vatevedzeri vevatungamiri venyika vaviri.

Nyaya yengochani inonziwo haisi kutambirwa nevakawanda. Matunhu ekuMatebeleland anonzi ari kuda kuti apihwe masimba akati wandei ekuzvitonga.

Vanhu vari kupesana panyaya yekuti vari kunze kwenyika vavhote munguva dzesarudzo.

Asi vakuru mumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa vanoti zvizhinji zvichatogarirwa pasi nemapato matatu aya vasinganyanyotarise zvakabva muvanhu.

Nhengo yeZanu PF, uye vachimirira Goromonzi muparamende, Amai Beatrice Nyamupinga, vanoti madzimai ari kuda kuti bumbiro iri riremekedze kodzero dzavo.

Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, uye vari nhengo yeMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vanoona vanhu vachitambira bumbiro idzva remitemo yenyika.

Asi mukuru weMedia Centre, uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vanoti havaone vanhu vachitambira Draft Constitution pareferendamu.

XS
SM
MD
LG