Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vofarira HIFA neZvirongwa Zvayo muHarare


Chirongwa cheHarare International Festival of the Arts (HIFA) chapinda muzuva rechina neChishanu vanhu vachiona mitambo yakasiyana siyana.

Vanhu vazhinji vanoti vari kufadzwa zvikuru nemitambo yakasiyana siyana iri kuitwa munzvimbo dzakasiyina muHarare.

Chirongwa cheHIFA chinounganidza vanhu vanobva kumativi mana enyika vachiita zvemitambo nezvimwe kamwe chete gore rega rega.

Mumwe weavo vakawana mukana wekuenda kumitambo iyi, ndiAmai Tatenda Simbi, avo vanoti vari kufadzwa nehuwandu hwemadzimai vari kuita mitambo yakasiyana siyana, kana zvichienzaniswa nemakore apfuura.

Amai Simbi vanoti vakawana mukana wekuenda kuHIFA nevana vavo uye vanokurudzira vamwe vabereki kuti vatore mukana uyu sezvo mitambo yakadai ichibatsira kuvhura pfungwa dzevechidiki.

Amai Simbi vanoti vechidiki vanowanawo mukana wekuratidzwa kuti basa remitambo rinogona kuitwa nemhunhu wese wese uye rinogona kupa munhu raramo tsvene.

Amai Simbi vanoti pfungwa dzekuti basa remitambo harina chiremerera dzinofanirwa kusandurwa nevabereki sezvo mafungiro aya echinyakare.

Chirongwa cheHIFA chiri kutarisirwa kupera neSvondo apo muimbi ane mukurumbira, Oliver Mtukudzi, achaimba neumwe muimbi wekuSenegal, Ishmael Lo.

XS
SM
MD
LG