Vechidiki vebato reZanu PF varwisana muSakubva Stadium apo vange vari kumirira kusvika kwemudzimai wemutungamiriri weZanu PF, uye wenyika, Amai Grace Mugabe, nekuda kwemakakatanwa ari mubato iri.
Vechidiki varwisana ava ndevabva kuHarare nevekwaMutare.
Vechidiki ava varwisana zvakaipa zvichitevera kupokana panyaya yekuti vanoronga magariro evanhu munhandare ndevapi. Vamwe vabva kuHarare vanga vachiti ndivo vanosungirwa kuita basa iri, vamwewo vemuno maMutare vachiti basa iri nderavo ravo sezvo hurongwa uhu huri mumba mavo.
Kunetsana uku kwazopera mushure mekunge mapurisa ane imbwa azoshevedzwa, vanga vachirwisana ndokubva vatiza.
Mutauriri wemapurisa maMutare, Inspector Enock Chishiri, varamba kutaura nezvemhirizhonga yamboitika iyi kuvatori venhau vachiti hapana chavanoziva nezvavo.
Mumwe wevechidiki muZanu PF, Muzvare Sheila Mutsenhu, vanoti kurwisana kwaitika nhasi hakufanirwe kukanganisa gwara re-Zanu PF.
Vachitaura kumhomho yevanhu vaungana munhandare yemuSakubva, Amai Mugabe vati vaona kupatsanuka kwebato ravo muManicaland zvakanyanya izvo vati zvinofanirwa kupera.
Amai Mugabe vatiwo Zanu PF inofanirwa kubatana kuitira kuti ikunde matambudziko akatarisana nenyika ekushayikwa kwemabasa, kuvharwa kwemakambani uye kupedza hurombo huri muvanhu.
Amai Mugabe vati muZanu PF mune vamwe vanoshandisa mari mukutsvaga tsigiro uye kupatsanura vamwe nekunyebera mutungamiri wenyika pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika. Mudzimai wemutungamiriri wenyika ati nguva yekunyeberana yakapfuura uye vanhu vanofanirwa kubudirana pachena maererano negwara re-Zanu PF.
Amai Mugabe vati kubva pavakatanga kushanyira matunhu enyika svondo rapera, vari kuona kuti musangano weZanu Pf wakatarisana nedambudziko hombe revanhu vanoda kushandisa vamwe.
Amai Mugabe vati kanawo ivo pachavo vava kutotyira kuti pamwe vangatoshandiswawo nevamwe vanoda zvigaro mubato iri. Asi vapita kuti havasi kuzoshandiswa.
Vachipindura chikumbiro chaiswa nagavhuna weManicaland, VaChris Mushowe, chekuti vagari vawane pundutso kubva kumangoda, Amai Mugabe vati vachaisa mashoko aya kuna VaMugabe mbune nechinangwa chekuti dunhu reManicaland ribatsirikane nezvicherwa zviri kuwanikwa kuno.
Mukuru weWomen’s League pari zvino, Muzvare Oppah Zvipange Muchinguri, vanyunyutawo zvakare nenyaya yehuwori, uye humbimbindoga hwavati hwanyanyisa mubato ravo reZanu PF. Muzvare Muchinguri vati Amai Mugabe ndivo vachazove mukuru wemadzimai muZanu PF, mushure mekutambirwa nekongiresi muna Zvita.
Vanhu vanganosvika zviuru zvishanu vange vaungana munhandare iyi, uye vapihwa naAmai Mugabe mbeu yechibage nehupfu. Mamwe emakurukota ehurumende ange ari pamusangano wanhasi anosanganisira, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, gurukota rezvekurima, VaJoseph Made pamwe nenhengo dzeparamende.