Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisana neChikafu Chishoma Gore Rino


Nyika inonzi yakatarisana nenzara sezvo goho remwaka uno rechibage riri kutarisirwa kudzikira nematani anoda kusvika miriyoni imwe chete.

Izvi zvakaziviswa neChitatu negurukota rezvekurima, VaJoseph Made, pavaizivisa nezveongoro kubva pagoho ranga richitarisirwa remamiriyoni maviri ematani.

Vachizivisa ongororo yekupedzisira yezvirimwa yakaitwa munyika yose, VaMade vakati nyika iri kutarisirwa kukohwa miriyoni imwe chete yechibage, uye ine chimwe chakachengetwa mumatura chinosvika matani mazana mana ezviuru.

Vakatiwo varimi vekumaruwa ndivo vari kutarisirwa kukohwa chibage chakawanda, kupfuura varimi vakagariswa patsva ve A2. VaMade vakati mbesa diki dzakaita semapfunde, mhunga nerukweza zvakanga zvarimwa mwaka uno, zvakaparara zvose.

Zimbabwe inoda matani mamiryoni maviri echibage chekuti ikwanise kugutsa mhuri yayo kusvika pamwaka wekukohwa gore rinouya.

Makore apfuura, nyika yanga ichitenga chibage kubva kunze, zvikuru kuZambia, zvichitevera kuondomoka kwakaita hupfumi mushure mekunge hurumende yeZanu PF yabvuta mapurazi evachena uye kusanaya zvakanaka kwemvura.

Zvichitevera kubuda kwakaita vachena munyaya dzekurima, vamwe vavo vachienda kuZambia kunorima vari ikoko, Zimbabwe yava kutenga chibage kunyika iyi.

Nyanzvi mune zvekurima ichishanda yakazvimirira, VaRodger Mpande, vanoti nyika haisi kukwanisa kuronga zvine hungwaru kuitira kuti ishandise kurima kwekudiridzira, uko vati kunokwanisa kupa nyika chibage chakakwana.

XS
SM
MD
LG