Accessibility links

Breaking News

EU Inonyorerana Chibvumirano cheKutengeserana neZimbabwe


Sangano remubatanidzwa wenyika dzemu Europe, re European Union, EU, ranyorerana chibvumirano chekutengeserana nenyika ina dzemu Africa dzinosanganisira Zimbabwe.

EU inoti icharamba ichidyidzana neZimbabwe zvisinei nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo vari mu Zanu PF.

Vachitaura muBrussels neMuvhuro mushure mekunyoreranwa kwechibvumirano ichi, mukuru anowona nezvekutengeserana musangano reEU, Va Carel de Gucht, vati chibvumirano ichi chinovhura mikana yekutengeserana pakati peEU nenyika dzinoti Madagascar, Mauritius, Sychelles pamwe neZimbabwe.

Va Gucht vati chibvumirano ichi, icho chichange chichishanda kwemakore gumi nemashanu, chichaita kuti zvinhu zvichange zvichitengeswa nenyika idzi muEU zvisabhadhare mari yemitero pazvinoendeswa kumisika yekuEU.

VaGught vati EU ichange ichitengeserana nenyika idzi zvinhu zvakaita sehove uye Zimbabwe ine hove dzakawanda dzinobatwa kudhamu reKariba pamwe nemurwizi Zambezi.

Vaenderera mberi vachiti chibvumirano ichi chichaita kuti e-u isambaradze hukama hwayo neyika idzi.

Mumiriri weEU muZimbabwe, Va Aldo Dell’ Ariccia, vanoti EU yagara ichidyidzana neZimbabwe senyika pane zvakawanda zvisinei nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vavo vari mu Zanu PF.

Va Dell Ariccia vanoti kutengesera pakati peZimbabwe neEU kuri kutowedzera zvisinei nezvirango izvi.

Kunyange zvazvo EU ichiti kutengeserana kwayo neZimbabwe kucharamba kuchikura, VaMugabe vanogarotaura kuti zvirango izvi zviri kukanganisa hupfumi hwenyika vachiti Zimbabwe haisi kutengeserana nenyika zhinji dziri muEU.

Asi VaGught vati kusainwa kwechibvumirano ichi, icho chichaita kuti zvimwe zvinhu zvinoonekwa sezvingakanganisa nyika idzi zvisatengeswa muEU, kuchabatsira kusimudzira hupfumi hweZimbabwe, Mauritius, Madagascar pamwe neSychelles pamwe nekusimbaradza hukama hwenyika idzi neEU munyaya dzezvematongerwo enyika.

Svondo rapera, Zimbabwe yakaita hurukuro neEU, kuBrussels, idzo dzainge dzakanangana nekumutsiridza hukama hweZimbabwe neEU.

Svondo rapera rakare, EU yakati ichashandisa mari inoita mamiriyoni makumi mashanu ema euro mukubatsira zvirongwa zvemuZimbabwe, ikapa zvakare mari inoita mamiriyoni masere emadhora, iyo ichabatsira varimi vepasi.

Mari iyi ichapihwa Zimbabwe kuburikidza nesangano reFood and Agriculture Organization.

Kubva muna 2009, EU yabatsira zvirongwa zvemuZimbabwe nemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora.

XS
SM
MD
LG