Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kubatsira Zvikoro Zvepamusoro


Zinasu
Zinasu
Zvikoro zvepamusoro soro munyika zvinonzi zvakatarisana nedambudziko rekushaya mari kuitira kuti zvishande zvakanaka. Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nehurumende iyo iri kutadza kupa zvikoro izvi mari yekushandisa.

Pari zvino hururumende ine mari inosvika madhora anodarika mamiriyoni makumi matanhatu yaisina kupa zvikoro zvepamusoro soro izvo zvave kutadzisa zvikoro izvi kushanda zvakanaka.

Mashoko aya autaurwa nemukuru anoona nezvedzidzo yepamusoro, mubazi rinoona nezvedzidzo yepamusoro, Amai Martha Muguti, apo vange vari kupa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvedzidzo maererano nemashandiro ari kuita zvikoro izvi pamwe nerubatsiro rwemari ruri kuwana zvikoro izvi kubva kuhurumende.

Amai Muguti vati kunyange hazvo zvikoro izvi zviri kuramba zvakavhura, zviri kutambura zvikuru nekuda kwedambudziko rekushaya mari.

Vatiwo vana vazhinji muzvikoro izvi havakwanisi kubhadhara mari yechikoro, uye vashoma vacho vanobhara vega vari kutonetseka kubhara mari yacho.

Vati vanoziva kuti hurumende iri kunetsekawo nemari, asi vakati mari yechikoro inofanira kubhadharwa.

Mukuru anoona nezvemari mubazi redzidzo yepamusoro, VaGeorge Milton Chabururuka, vaudzawo komiti iyi kuti chikwereti ichi ndeche gore rapfuura chete.

Vatiwo gore rino bazi rezvemari rakavapa madhora zviuru mazana manomwe nemakumi mashanu semari yechikoro pasi pechirongwa che cadetship uye mari iyi ishoma kana zvichienzaniswa nemari inodiwa.

Amai Muguti naVaChabururuka vatiwo gore rino bazi ravo harina kutombopihwa mari yekuita mamwe mabasa uye mabasa mazhinji ekuvaka muzvikoro izvi, akatomiswa sezvo makambani anovaka asingadi kuramba achishanda asingabhadharwe.

Vatiwo kunyange zvinhu zvakaoma, zvikoro izvi zviri kutotsvagiridza mari inodarika madhora mamiriyoni gumi nematatu kuitira kuti zvibhadhare vadzidzisi nevamwe vashandi mwedzi wega wega.

Vatiwo hurumende inofanira kubuda pachena kuti haikwanisi kudzidzisa vana muzvikoro zvepamusoro soro vachiti pari zvino kunyange vabereki vanokwanisa kubhadhara, havasi kuita izvi sezvo vanhu vese vachifunga kuti hurumende ine mari yekudzidzisa vana vese pachena.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanogaro chema kuti hurumende haina mari. Zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari yese yehurumende, zvinonzi zvinoenda kumihoro yevashandi vehurumende izvo zvinoita kuti hurumende itadze kupa mari kumapazi anokosha akaita sedzidzo nehutano.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG