Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Voronga Kuratidzira Svondo Rinouya


Investigators carry boxes from the apartment of Germanwings co-pilot Andreas Lubitz, in Duesseldorf, Germany, March 26, 2015.
Investigators carry boxes from the apartment of Germanwings co-pilot Andreas Lubitz, in Duesseldorf, Germany, March 26, 2015.
Sangano rinomirira vadzidzi munyika re Zimbabwe National Students Union, kana kuti Zinasu, rinoti richaratidzira svondo rinouya kana hurumende isina kugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzedzidzo.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neMuvhuro, mutungamiri weZinasu, Va Gilbert Mutubuki, vanoti havasi kufara nepamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzedzidzo.

Va Mutubuki vanoti hurumende inofanira kuona kuti mwana wese akwanisa kuenda kuchikoro sezvo iri kodzero yake.

Va Mutubuki vanoti chimwe chiri kuvarwadza ndechekuti hurumende iri kukwidza mari dzinobhadhariswa vadzidzi muzvikoro zvepamusoro soro zvizhinji munyika asi isiri kuwedzera vashandi mari dzemihoro.

Vaenderera mberi vachiti sangano ravo richapinza vadzidzi mumigwagwa svondo rinouya kana hurumende isina kugadzirisa zvose zviri kunetsa muzvikoro izvi.

Hurumende yakaburitsa mashoko svondo rapera ekuti hapana zvikoro zvinofanira kukwidza mari dzechikoro. Asi Va Mutubuki vati chinoshamisa ndechekuti mari dzechikoro dziri kukwidzwa muzvikoro zvehurumende.

Hatina kukwanisa kutaura nevebazi rezvedzidzo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zvinonzi vana vanosvika miriyoni imwe chete vanogona kutadza kuenda kuchikoro gore rino sezvo homwe ye hurumende inobatsira vana vanoshupika ye Basic Education Assistance Module, BEAM, isina mari.

Vachitaura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekuchengetwa zvakanaka kwevanhu svondo rapera, munyori mubazi rezvekuchengetwa zvakanaka kwevanhu, VaSydney Mhishi, vakati havana kupihwa mari yekubhadharira vadzidzi mazana manomwe nemakumi mashanu ezviuru, uye masangano anosivabatsira haasati abuda pachena kuti achavabatsira rwendo rwuno.

VaMhishi vakati bazi ravo rainge rakumbira mari inoita makumi manomwe nemashanu emamiriyoni emadhora yekubhadharira vana vanoshaya, asi vari kutarisira kupihwa mamiriyoni gumi nemashanu chete emadhora mubhajeti regore rino.

Bato rinopikisa re MDC rinoti hurumende ye ZANU PF iri kutyora bumbiro remitemo nekutadza kwairi kuita kuti vana veku primary vaende kuchikoro mahara.
XS
SM
MD
LG