Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vatsva Votadza Kuwana Mabasa


Varairidzi vachangopedza zvidzidzo zvavo zvehurairidzi paHillside Teachers’ College kuBulawayo vanosvika makumi mashanu vanoti vari kukundikana kuwana nzvimbo dzekudzidzisa mudunhu reMidlands ravakasarudza.

Varairidzi vatsva ava vanoti vakaenda kumahofisi ebazi rezvedzidzo mudunhu reMidlands vakazoendeswa kudunhu reGokwe South vachitarisira kuti vanonowana nzvimbo dzekudzidzisa.

Asi vanoti izvi hazvisi kuitika sezvo zvikoro zvavari kunzi vaende, zvichinzi hazvina nzvimbo, idzo vanoti dzakazara nevarairidzi vasina kudzidzira basa ravo.

Mumwe wevairidzi ava, uyo ati anoda kudaidzwa nerekuti VaTakunda Marozva, vanoti vave nefungidziro yekuti varairidzi vasina kudzidzira basa ava vanogona kunge vari kushandisa mari kuti varambe vari pazvikoro izvi, sezvo mutemo uchiti kana pawanikwa akadzidzira basa, asina kudzidzira basa anofanirwa kubva angosiya basa.

Varairidzi vatsva ava vanoti vakanyorera kumahofisi ebazi rezvedzidzo muGokwe South vachirizivisa nezvedambudziko ravo iri, asi havasati vapihwa mhinduro.

Mumwe ari mubazi rezvedzidzo asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwi kutaura nevatori venhau atiwo kuendeswa kwevarairidzi mumatunhu kwakarongeka zvikuru sezvo pavenenge vopedza zvidzidzo zvavo vachipiwa mukana wekusarudza matunhu avanenge vachida kunoshandira.

Atiwo zvikoro zvinenge zvichida varairidzi zvinogara zvakazivisa mahofisi avo mumatunhu ose paine nguva, izvo zvinozoita nyore kuendesa varairidzi vatsva ava sezvo bazi rezvedzidzo rinenge richiziva nechekare zvikoro zvinoda varairidzi.

Mushandi uyu, uyo ari muHarare, anoti hofisi yavo haisati yanzwa nezvedambudziko riri kuGokwe South iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG