Accessibility links

Breaking News

Econet Yopa Dare reVechidiki Mbozhanhare Dzekushandisa


Kambani yeEconet Wireless - Zimbabwe yapa neChina paramende yevechidiki mbozhanhare dzepamusoro mazana matatu nemakumi maviri kuitira kuti nhengo dzedare iri dzishandise mukuzivisa zvinenge zvinenge zvichiitika mumatunhu adzinomirira.

Pasi pechirongwa chinonzi You Report, icho chiri kuitwa neparamende iyi, nhengo dzedare iri dzinotarisirwa kuzivisa Zimbabwe Youth Council nyaya dzese dzinobata vechidiki, dzakaita sekutyorwa kwekodzeo dzevana dzichishandisa mbozhanhare.

Zimbabwe Youth Council inozokwidza nyaya idzi kana zvichemo kumapazi ehurumende kana avo vanenge vachikwanisa kuzvigadzirisa.

Vachitaura apo vatambira mbozhanhare idzi kubva ku Econent, mukuru weZimbabwe Youth Council, VaLivingstone Dzikira, vati chirongwa ichi chinoita kuti vechidiki vadzidzire kuva vatungamiriri vemangwana uye kuti vadzidze kutaura zvinovanetsa pachavo.

Munyori mubazi rezvedzidzo yepasi, Amai Constance Chigwamba, vatiwo mbozhanhare idzi dzichaita kuti nhengo dzedare iri dzikwidze zvichemo zvadzo nechimbi chimbi.

Vange vakamirira Unicef pachitiiko ichi, VaMark Rubin, vatiwo mbozhanhare dzakakosha chose muhupenyu hwemazuva ano.

Vatiwo sangano ravo riri kutoronga kushandisa mbozhanhare mukutumira mari kune vanhu varinobatsira pasi pechirongwa cheSocial Cash Transfer.

Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wenyika muhurumende yevechidiki, VaAntony Mpala, vati mbozhanhare idzi dzichavabatsira mukufambisa zvichemo sezvo dzimwe nhengo dzeparamende yavo dzange dzisina mbozhanhare.

Mumiriri weHarare Central, Mitchell Mtutongwizo, anoti achashandisa mbozhanhare kunzwa zvichemo zvevechidiki padandemutande achishandisa facebook nezvimwe.

Dare reparamende revechidiki rakavambwa muna 1991 senzira yekuumba vechidiki kuve vatungamiriri mune remangwana. Pari zvino dare iri rine nhengo mazana matatu negumi neshanu.
XS
SM
MD
LG