Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakabviswa kwaChiadzwa kuMangoda Vofarira kwaOdzi


Vamwe vemhuri dzinosvika mazana mana dzakatamiswa kubva kwaChiadzwa vachinogariswa patsva kuArda Transau kwaOdzi mudunhu reManicaland, vanoti hupenyu hwavo hwava nani kana zvichienzaniswa nemararamiro avaiita apo vaigara kuBocha kwaMarange vasati vatamiswa.

Mumwe wevamwe vari kufara nekwavava kugara ndiVaEsau Marimbire avo vanoti kubva pavakatamiswa muna Kukadzi muna 2010, vari kuona magarariro avo ashanduka.

VaMarimbire vanoti nekuda kwekutamiswa kwavakaitwa, vava nemusha une chiremera kupfuura wavaiva nawo vachiri kugara kwaChiadzwa. VaMarimbire vanoti kunyange hazvo vamwe vavo vakapihwa dzimba dzakangofanana, ruzhinji rwevamwe vakavakirwa imba dzakanaka chose.

Asi VaMarimbire vanoti dai vemakambani anochera mangoda kwaChiadzwa azadzisa zvimwe zvezvinhu zvavakavimbisa vagari kuitira kuti zvinhu zvainyatsofamba nemazvo.

Mugari uyu anoti kwaChiadzwa kwakanga kuchinaya mvura shoma izvo zvaiitisa kuti vave negoho shoma. Asi vanoti kwaOdzi kwavavakugara pari zvino, kune mvura inovapa goho rakanaka.

VaMarimbire vanoti kare vanhu vanogara kwaChiadzwa vaingotsvinyirwa kunzi maBocha nekuda kwekuti kwaizivikanwa nehurombo, nzara nekusaziva zvinhu zvechizvino zvino kusvika panguva yakazowanikwa mangoda munharaunda iyi.

Asi VaMarimbire vanoti vanoshuvira kuti zvipfuyo zvavo zvichengetedzeke kana pakava newaya inoganhurana nenjanji yechitima. Vanoti zvipfuyo zvavo zviri kutsikwa nezvitima zvine zvichipfuura.

Mumwe mugari wekuArda Transau, VaVincent Kapito, vanotiwo kuArda Transau kwavave kuri kuvapa mikana yekuita mabasa akasiyana siyana seekurima, kuraura hove, uye kuveza izvo vaisakwanisa kuita vachiri kugara kwaChiadzwa.

Kunyange hazvo VaKapito naVaMarimbire nevamwe vavo vachiti hupenyu hwavo hwave nane nekugara kwaOdzi, vamwewo vakaita saVaCephas Gwayagwaya vanoti kwavakatamisirwa hakusi kuvaitira zvakanaka.

VaGwayagwaya vanoti chinonyanya kuvashungurudza inyaya yekuti dzimba dziri kupihwa vakatamiswa dzakangofanana zvisinesi kuti imwe mhuri yakakura zvakadii, imwe iri diki.

VaGwayagwaya vanoti vamwe vaive nedzimba dzakanaka kupfuura dzavakavakirwa uye kuti zvimwe zvezvakavimbiswa vagari hazvisati zvazadzikiswa nanhasi, izvo zvinosanganisira kugadzirirwa minda yemadiridzo.

Svondo rapera magweta anorwira kodzero dzevanhu musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights akashevedzwa kuzomirira imwe mhuri yakange yapinda muimwe imba ichishandisa zvechisimba kuArda Transau.

VaBlessing Nyamaropa ndivo vakamirira mhuri iyi mushure mekunge yasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekupinda mumba musiri mayo. VaPhilemon Johwani Kambeni vakanyoreswa pasi mhosva yavari kupomerwa uye mapurisa achavadaidza nemasamanisi kana nyaya iyi yoendeswa kumatare edzimhosva.

Nekuda kweshungu, mhuri yekwaKambeni yakanopinda mune imwe imba yekambani inochera mangoda, yeAnjin, vachinyunyuta kuti vange vatsikiswa banana nekusapihwa imba inoenderana nehuwandu hwemhuri yavo.

Va Kambeni, avo vane makore makumi masere nemapfumbamwe ekuberekwa, vane madzimai gumi nevana vanosvika makumi matatu nevashanu.

Asi pavakatamiswa kubva kwaChiadzwa, VaKambeni nemhuri yavo vakapihwa imba isingaenderani nekukura kwemhuri yavo, sezvo kwaChiadzwa, mudzimai wega wega aive nemba yake.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG