Bepanhau reDaily News, iro rakavharwa nechisimba nehurumende muna 2003, ratanga kudhindwa mazuva ose munyika kutanga neChishanu uye richange richitengeswa kubva Muvhuro kusvika Mugovera svondo rega rega.
Mupepeti weDaily News, VaJohn Gambanga, vanoti vari kufara nekuti zvinhu zvavakufamba mugwara ravanga vachitarisira.
Bepanhau iri riri kuita dhora rimwe chete. VaGambanga vatiwo bepanhau reDaily News on Sunday richatanga kudhindwa mwedzi mitatu iri kutevera.
Sangano re MISA-Zimbabwe rinoti riri kufara nekudzoka kweDaily News. Va Mathew Takaoma mumwe wemakomishina eZimbabwe Media Commission, iyo yakapa Associated Newspapers of Zimbabwe, mvumo yekudhinda Daily News ne Daily News on Sunday.
Va Takaona vanoti vanofara nekudzoka kweDaily News nekuti richapa vazhinji mabasa nenhau kuti vanhu vasarudze zvavanoda.