Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzodududza panyaya yekusapinda musarudzo kunyange hazvo pave nerunyerekupe rwekuti nyaya iyi yave kukonzera zinyekenyeke mubato ravo.
.Mutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzira vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vaise musoro pamwe chete mukugadzirisa dambudziko remhirizhonga yanetsa kuSouth Africa uko kuri kuurayiwa nekurwiswa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.
Zvinhu mubato reZanu-PF zvaramba zvakaita manyama amire nerongo sezvo mubato musina kuwirirana kuti poitwa sei nenhengo dzebato iri dzinonzi dzaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, neMuvuro vakazivisa kuti hurumende haisi kuzobhadhara vashandi vayo mari dzebhonasi kwemakore maviri anotevera.
Hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai hunoti bato iri harisi kuzopinda musarudzo dzipi zvadzo kana zvinetswa munyaya dzesarudzo zvisati zvagadziriswa.
Vaimbova mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vari kuzopinda musarudzo dzemuna 2018 vakamirira yavanoti Zanu-PF chaiyo yakavamba Chimurenga.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChitatu vakumbira vanhu vemabhizimisi vemuSouth Africa kuti vauye kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe.
Vaimbova mukuru weAfrican Sun Limited, Doctor Shingi Munyeza, avo vakasiya basa mushure memakore gumi nematatu vanoti Zimbabwe ichiri kuda kuti ishande zvakasimba munyaya dzekushanyirwa kwenyika kuitira kuti ikwanise kuwana chouviri.
Politiburo yeZanu-PF yakabudawo negwaro riri kupomera mushakabvu General Solomon Mujuru nemudzimai wavo, Amai Joice Mujuru, mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro.
Vaimbova mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti Amai Joice Mujuru vakadzingwa neChina nekuti bato iri riri kutadza kugadzirisa zvinhu sezvo Amai Mujuru vaine vatsigiri vakawanda.
Politburo yeZanu-PF neChina yakadzinga mubato vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye webato iri Amai Joice Mujuru mubato vachivapomera mhosva yekusaterera.
Sangano reInternational Trade Centre kana kuti ITC rinoti zvinhu zviri kutengeswa neZimbabwe kuEuropean Union zvawedzera kusvika pamamiriyoni zana nemakumi mashanu nematatu emadhora, kubva pamamiriyoni makumi matatu muna 2013.
Chipiri range riri zuva rekupedzisira remakambani emunyika ane zvikwereti zvemutero kuti ange atenderana nebazi reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, kuti angazvibhadhara sei mari iyi gore rino risati rapera.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave kushorwa zvikuru nevamwe vanhu munyika nenyaya yekuramba vachienda kunyika dzakasiyana siyana kunyangwe hazvo mudzimai wavo ari kunzi ari kurwara nechirwere chinofungidzirwa kuti ndechegomarara iro vari kurapwa kudubai.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti riri kushushikana zvikuru nenyaya yevakuru vemauto avo vanonzi vari kushanda kuhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende.
Rimwe remagweta aVaDzamara, VaAlec Muchadehama, vanoti ichokwadi kuti hurongwa hwekutsvaga VaDzamara huri kutanga neChipiri.
Zvinhu munyika zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongo kubva zvakapambwa vanoprwira kodzero dzevanhu vari mutori wenhau VaItai Dzamara kumba kwavo kuGlen View nemusi wemuvhuro nevanhu vasiri kuzivikanwa.
VaMnangagwa, avo vanova zvakare mutevedzeri wekutanga wemutungamiri wenyika, vati vari kushushukanawo nekushaikwa kwaVaDzamara.
Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vashora zvikuru kupambwa neMuvhuro kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.
Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, avo vakamboramba kutonga nyaya iyi vanoti vachapa mutongo wavo munguva pfupi inotevera.
Rodhai zvimwe