Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yokurudzira Paramende Kudzinga Mudare MDC Renewal Team


VaJacob Mudenda
VaJacob Mudenda

Munyori mukuru webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vakanyora neChina tsamba kumutauriri wedare re House of Assembly, pamwe nemutungamiri wedare re Senate, vachiti vanoda kuti nhengo dzematare maviri aya dzinosvika makumi maviri neimwe, dzidzingwe mudare nekuti dzakaumba bato idzva reUnited Movement for Democratic Change.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, avo vakamboramba kutonga nyaya iyi vanoti vachapa mutongo wavo munguva pfupi inotevera.

Asi chiri kutemesa vakawanda musoro inyaya yekuti pachaitwa sei nezvigaro zvacho sezvo MDC-T iri kuti haisi kuzopinda musarudzo dzema by elections.

Mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti havawirirane nedanho riri kutorwa neMDC-T.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya iyi sezvo nhengo idzi dzakapinda muparamende dziri nhengo dzeMDC-T.

Danho riri kutorwa neMDC-T rinotevera kubuda kwakaita vaimbova munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti nevamwe vavo vachinoumba MDC Renewal Team gore rapera.

MDC Renewal Team yakawirirana kubatana neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube kuburikidza nekuumba United Movement for Democratic Change iyo inotungamirwa pari zvino naAmai Sekai Holland naVaWelshman Ncube.

XS
SM
MD
LG