Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoratidzira kuMutungamiri weZambia, VaSata, muLondon


Vanhu vanosvika makumi maviri varatidzira neChitatu pamuzinda weZambia muLondon vachitsutsumwa nezvavanoti kupindira kwemutungamiri weZambia, VaMichael Sata, munyaya dzeZimbabwe.

Varatidzira ava vanga vaine mutsvairo wavanga vachida kusvitsa kuvashandi vepamuzinda apa sechiratidzo chekutsamwa kwavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Vigil, iro rakaronga kuratidzira uku, VaDumi Tutani, vati chikonzero chaita kuti vashandise mutsvairo mukuratidzira kwavo ndechekuti VaSata vakamboshanda pane chimwe chiteshe chezvitima muLondon makare apo vaitsvaira.

Vati sezvo mutsvairo uchizivikanwa nekuchenesa, vaona zvakakodzera kuti vayeuchidze VaSata kuti vachenesewo mashoko avo pamusoro penyaya yeZimbabwe.

VaSata, avo vari kushanya muLondon pari zvino, vakatsamwisa zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe mushure mekunge vati sarudzo dzinokwanisa kuitwa muZimbabwe kunyange pasina kugadziriswa zvinetswa.

Kumusangano weSADC uchangobva kuitwa kuAngola, VaSata vanonzi vakaedza zvose zvavaigona mukutsigira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kunyange paive nevamwe vatungamiri vaizvishoropodza.

VaTutani vati kana vashandi vepamuzinda apa vakaramba kutambira mutsvairo uyu, vachausiyapo.

XS
SM
MD
LG