Sangano rinomirira kodzero dzevana vadiki vari kushandiswa mumabasa zvisiri pamutemo, re Coalition Against Child Labour In Zimbabwe, rinoti rakakwanisa kudzosera muzvikoro vana vari pasi pezera vanosvika mazana matatu nemakumi mashanu.
Vana ava vaishandiswa mudunhu reChiredzi kunyanya kumapurazi vasingaendi kuchikoro.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu Coalition Against Child Labour In Zimabwe, Va Pascal Masocha, vanoti vakasarudza kutanga chirongwa chavo kuchiredzi sezvo dunhu reMasvingo riri imwe yenzvimbo dzine vana vadiki vakawanda vari kushandiswa zvisiri pamutemo, kana kuti child labor.
Sangano iri rinoti riri kutarisira kubatsira vana vanosvika chiuru kuti vange vari muuzvikoro muChiredzi mumakore matatu anotevera.
Chirongwa chesangano iri chinotevedzera nzira dzezvimwe zvirongwa zviri kuitwa munyika dzinoti India, Uganda, Kenya, Ethiopia, Morocco neGhana, idzo dzakakwanisa kubatsira vana vadiki vazhinji vanenge vachishanda zvisiri pamutembo kuti vadzokere kuzvikoro.
Kunyange hazvo Zimbabwe yakanyorerana pasi zvibvumirano zvakawanda zvekupedza nyaya yehunhapwa hwevana kana kuti child labor, dambudziko iri richiri kuwanikwa zvakanyanya munyika.
Zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi zvinosanganisira zveUnited Nations Convention On The Rights of The Child, International Labor Organization - Minimum Age Convention pamwe ne Worst Forms of Child Labour.
Zimbabwe muAfrica yakaisawo runyoro rwayo pazvibvumirano zvakaita seAfrican Charter On The Rights And Welfare Of Children.
Pamutemo weLabour Act munyika, mwana anofanira kutanga kuita basa asvika pamakore gumi nemashanu. Asi pamabasa akaoma, uye anogona kukanganisa hutano, munhu anofanira kunge aine makore gumi nemasere.
Vana mazvikokota vanoti vana vari kuonekwa vachikorokoza, vamwe vachiita zvechipfambi, uye kuita mabasa epamba anogona kukonzera kuti hutano hwavo hupinde munjodzi.
Vanoongorora nyaya dzemitemo yemabasa vachishanda ne Employers Confederation of Zimbabwe, Isaac Mazanhi, vanoti vana vadiki vanofanirwa kupihwa mukana wekuti vaende kuchikoro.
Gurukota rezvemabasa nevashandi, Amai Paurirana Mpariwa Gwanyanya, vanoti hurumende inoshushikana nemabatirwo ari kuitwa vana vadiki.