Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveSangano reZINASU Zvorwisana muHarare


Sangano revadzidzi reZinasu rava zinyekenyeke, zvichitevera kurwisana kunotyisa kunonzi kwava kuitika. Chimwe chikwata cheZINASU chinoti hutungamiri hwacho hwakarohwa zvakaipisisa neMugovera mushure mekunge hwaenda kugungano rekurangarira mushakabvu, Amai Susan Tsvangirai, raive kuGlamis Stadium muHarare.

Mutungamiri wechikwata ichi, VaTafadzwa Mugwadi, munyori mukuru, VaKurayi Hoyi, mubati wehomwe, VaTafadzwa Kutya, pamwe nemunyori wezvemitemo, VaArchieford Mudzengi, vanonzi vakuvara zvekunorapwa kuchipatara cheAvenues Clinic.

Sangano reNCA rinoti rashora zvikuru chiitiko ichi, icho rinoti chakaitika munguva yekurangarira gamba rairwira kuti munyika muve negutsa ruzhinji.

Mumwe wevakarwiswa ava, VaHoyi, vaudza Studio7 kuti chimwe chikwata cheZINASU chinotungamirwa naVaJoshua Chinyere chakatuma vechidiki veMDC kuti vavarwise.

Asi mutauriri wechikwata chaVaChinyere, VaWisdom Mugagara, vatiwo ivo nevamwe vechikwata chavo, varwiswawo nevanhu vavanofungidzira kuti ndeve chimwe chikwata cheZINASU, izvo zvavanoti zvasiya mumwe wavo asisina zino.

XS
SM
MD
LG