Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Asi Vamwe Varairidzi Vachiramwa Mabasa neNyaya yeMihoro


Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro kune vadzidzi vari kunyora bvunzo mukupera kwegore kunyangwe hazvo vamwe varairidzi vatotanga kuramwa mabasa vamwe vachitiwo hurumende haisi kupa zvikwanisiro zvakakwana kuvadzidzi kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muzvikoro zvine chitsama zvakashanyirwa neStudio 7 muBulawayo kusanganisira Milton Primary, McKeurtan Primary, Lobengula Primary, Eveline High pamwe eGifford High, vana vechikoro vange vauya kuchikoro uye vadzidzisi vange vachiita basa ravo.

Pazvikoro izvi, vana vadzidzisi pamwe nevamwe vanhu vose vanenge vasvikapo vange vachitanga vaongororwa kupisa kwemiviri yavo uyewo kugezeswa maoko nema sanitiser.

Mumwe mubereki ane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Moyo, ati afara kuti zvikoro zvavhurwa asi akomekedza kuti hurumende itore matanho akasimba ekuti vana pamwe nevadzidzisi vadzivirirwe mukubatwa nechirwere cheCovid-19.

Tsvakurudzo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti kuzvikoro zvakawanda zvekumamisha vadzidzisi vakawanda havana kuenda kubasa.

Mumwe mudzidzisi anodzidzisa kuBinga achigara muBulawayo uyo asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo achityira basa rake ati haazi kukwanisa kuenda kuchikoro kwaanodzidzisa nekuti mari yake yemuhoro haikwane kuti aite izvi.

Masangano anomirira vadzidzisi akawanda ari kuti vadzidzisi havazi kukwanisa kudzokera kumabasa nekuti mari yavo haivakwanire.

Mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti vadzidzisi vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vekumaruwa havana kuenda kubasa vachiti izviz hazvishamise nekuti havana mari yekuti vakwanise kuita izvi. Vatsidza kuti vadzidzisi havazi kuzodzokera kuchikoro kana nyaya yavo yemuhoro isati yagadziriswa.

Svondo rakapera gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema vakati vadzidzisi vanotadza kuenda kubasa vanogona kudzingwa basa.
Mukuru wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ VaTakavafira Zhou vashora danho rehurumende vachiti kutyisidzira vashandi hakuna zvakunobatsira.

Mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano emuzvikoro reNational Association of School Development Associations, kana kuti NASDAC, VaBanny Manokora vaudza Studio 7 kuti vari kufara kuti zvikoro zvavhurwa asi vati shuviro yavo ndeyekuti dai hurumende yakadzirisa gakava riri pakati payo nevahsndi vayo kusanganisira vadzidzisi kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muzvikoro.

Tabata mutauriri webazi redzidzo VaTaungana Ndoro kuti tinzwe maonero ebazi ravo pazuva rekutanga regore rino rekuvhurwa kwezvikoro asi vati vange vari mumusangano.

Asi gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti nhaurirano nevarairidzi dziri kuenderera mberi nekudaro hapana chikonzero chekuramwa mabasa. Vati hurumende yakazvipira kuwedzera vashandi mari.

Pave nenguva yakareba vadzidzisi vachichema chema nenyaya yemuhoro pamwe nemashandiro uye vamwe vanoti kusagadziriswa kwenyaya iyi iri kuita kuti dzidzo yemunyika idzokere kumashure.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG