Accessibility links

Breaking News

Zvekudya Zvizhinji Zvinokwira Mitengo


Mitengo yezvinhu zvakawanda, zvikuru zvekudya zvinodiwa nemhuri zuva nezuva, inonzi iri kukwira zuva nezuva nezvikonzero zvakasiyana-siyana.

Chikuru chinonzi chiri kukwidza mitengo yezvekudya, kukwira kwakaita mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari.

Bepanhau reThe Herald rinoti mafuta ekufambisa akakwira nezvikamu zvisere kubva muzanai, izvo zvinonzi nenyanzvi dzezveupfumi, zvimwe zvezvinhu zviri kusunda mitengo, sezvo zvekudya zvizhinji munyika zviri kubva kunze kwenyika.

Zviri kunzi zvakwira mitengo zvinosanganisira shuga, upfu, mafuta ekubikisa, furawu yekubikisa chingwa nezvimwe.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Reseach Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kukwira kwemitengo uku kunoomesera veruzhinji vasingazokwanisi kuwana mari yekutenga zvavanoda zuva nezuva.

XS
SM
MD
LG