Accessibility links

Breaking News

Mapepanhau Maviri Anopihwa Marezenisi


Sangano reZimbabwe Media Commission, ZMC, rakapa neMuvhuro marezenisi ekudhinda mapepanhau kumapepanhau maviri anoti reThe Zimbabwean pamwe neThe Observer.

Bepanhau reThe Zimbabwean, iro ranga richidhindwa kunze kwenyika, richange richiburitswa kamwe chete pasvondo nemusi weChina woga woga, kwotiwo reThe Observer rakapiwa rezenisi rekudhinda pazuva roga roga, kunyange hazvo richambotanga richidhindwa kamwe chete pasvondo kusvika zvinhu zvagadzikana mukambani iyi.

Kusvika pari zvino, The Zimbabwean ranga richidhinda mapepanhau maviri kunze kwenyika, ayo anga achibuda nemusi weChina neSvondo.

Danho iri rinouya panguva iyo paine kurudziro yekuti mitemo yezvekuburitswa kwenhau munyika itupfunyurwe, kuitira kuti munyika muve nemapepanhau akawanda.

Asi vamwe vanoti kana mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act, kana nePublic Order and Security Act, ichiripo, mapepanhau akawanda anenge asingakwanisi kushanda akasununguka.

Muna 2008 rhorhi yakanga yakatakura mapepanhau eThe Zimbabwean ichipinda nawo munyika yakapambwa ikapiswa, mapepanhau ose akaparadzwa. Bepanhau iri rinopepetwa naVa Wilf Mbanga, avo vari muBritain.

Hurumende yakakwidzawo mitero yemapepanhau anopinzwa munyika, senzira yekuedza kudzivirira mapepanhau akaita seThe Zimbabwean kupinda munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo John Makumbe, vanowe sachigaro weThe Zimbabwean vaudza Studio7 kuti vari kufara zvikuru nekupiwa kwavo rezinesi, uye vanotarisira kuchishanda zvakasununguka vari munyika.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, uye muridzi weThe Observer, VaBarnabas Tondhlana, vaudzawo Studio7 kuti vatambira nemufaro kupihwa kwakavaitwa rezinesi.

Sachigaro weZMC, VaGodfrey Majonga, vatiwo sangano ravo riri kuzadzisa zvarakaumbirwa, zvekuona kuti kufambiswa kwemashoko munyika kwafambiswa zvakanaka. Vatiwo izvi zvinopa mukana makambani ange achishanda ari kunze kwenyika kuti achishanda zviri pamutemo ari munyika.

XS
SM
MD
LG