Maporofita ekereke yeZion aita chishamiso chasiya vanhu vakawanda vakashama miromo yavo apo apinda mudhamu reGaranyemba ndokurwisana nenyoka huru iyo inonzi yanga ichikonzera kufa kwevanhu pamwe nezvipfuyo kuGwanda mudunhu reMatabeleland South.
Vanhu vanodarika mazana maviri vaungana neChishanu padhamu iri kwamaawa matatu vachiimba apo maporofita anoti VaMehluli Moyo naVaThembani Moyo vanga vari mubishi mudhamu reGaranyemba vachitsvaga pane nyoka iyi.
Mutori wenhau weStudio7 aona izvi zvichiitika, Albert Ncube, anoti nyoka iyi yazobatwa mudhamu iri mushure menguva yakareba. Mushure mekubata nyika iyi, Ncube anoti maporofita aya azobuda mumvura nenyoka iyi vakazoiuraya nepfumo vabuda panze.
Nyoka iyi isati yaurayiwa, vanhu vapihwa mukana wekuyiona ichifamba.
Sabhuku venzvimbo iyi, VaJeffrey Dube, vanoti pane vanhu vashanu vakafira mudhamu iri munguva shoma yapfuura uye vakaudzwa nemaporofita kuti mudhamu iri mune nyoka iri kukonzera kufa kwevanhu.
“Pane vanhu vashanu vakafira mudhamu irori nenzira dzatisina kunzwisisa sevagari. Mumwe akawanikwa akamira mumvura, asi akafa,” VaDube vaudza Studio7.
Hatina kukwanisa kutaura nevane ruzivo rwekuti zvechokwadi nyoka iyi ndiyo yanga ichikonzera kufa kwevanhu uku here kana kuti kwete.
Asi vagari vanoti maporofita aya akamboedza kupinda mudhamu iri nemusi weSvondo asi akakundikana kubudirira nehurongwa hwavo hwekubata nyoka iyi.
Nyaya dzakadai dzinonetsa kuti veruzhinji vadzinzwisisise, asi vagari vemunharaunda yakapoteredza dhamu iri vanobvumirana nezvavaona uye tsika nemagariro avo zvinotambira masimba ane maporofita.
Facebook Forum