Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Bvunzo neDzidzo Munyika


VaDavid Coltart
VaDavid Coltart
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimsec sezvo hurumende iri kutadza kubhadhara mari yedzidzo sezvayaisiita kumakore ekuma 1980.

Vamwe vanoti hurumende iri kupedza mari ichiita zvinhu zvisina musoro kusanganisira kungofamba famba kunoita vakuru vehurumende vachienda kunze kwenyika.

Asi vamwe vanoti kuda kuti hurumende iite zvose zvinopa kuti dzidzo yacho irambe ichiderera.

Nyaya yekushaya mari yedzidzo iyi ndiyo yakapa kuti hurumende muna 2001 imire kunyorwa kwebvunzo dzeZimbabwe Junior Certificate. Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vanogara vachigunun'una nekushomeka kwemari yedzidzo inopihwa bazi ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvedzidzo, uye vari pachikoro cheHaven of Peace International School kuTanzania, VaVioctor Chigumbo, vanoti hapana chakaipa kuti vabereki vabhadhare mari kuZimsec kana zvichizoita kuti dzidzo isimukire.

Asi mumiriri weMasvingo Central muparamende, uye vari mukomiti yezvedzidzo, VaJeffreyson Chitando, vanoti vabereki havafanire kubhadhara mari iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG