Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau veSunday Mail Vanobvisiswa Mari yeChibatiso


Zimbabwean journalists Brian Chitemba, left, Mabasa Sasa, center, and Tinashe Farawo walk in handcuffs, outside the magistrates courts in Harare, Zimbabwe, Nov. 4.2015.
Zimbabwean journalists Brian Chitemba, left, Mabasa Sasa, center, and Tinashe Farawo walk in handcuffs, outside the magistrates courts in Harare, Zimbabwe, Nov. 4.2015.

Vatori venhau veZimpapers avo vakasungwa nemusi weMuvhuro vachipomerwa mhosva yekupomera mumwe mupurisa mukuru mhosva yekuva nechekuita kwekuurayiwa kwenzou nemuchetura kuHwange, vaburitswa muhusungwa mushure mekubhadhara mari yechibatiso inoita madhora zana pamunhu.

Vatatu ava vanoti mupepeti weSundayMail, VaMabasa Sasa, mupepeti wenhau dzekuferefeta, VaBrian Chitemba, pamwe nemunyori, Tinashe Farawo, vanzi vagare panzvimbo dzavari kugara pari zvino, uye havafaniri kupindira pakuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanzi vanofanira kumhan'ara kumapurisa epaHarare Central kamwe chete pasvondo.

Asi mutongi wedare, VaTendai Mahwe, varamba chikumbira chemuchuchusi, Amai Sharon Mashavira, nemupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaObert Mugomeri, chekuti vatatu vasabvisa mari yechibatiso vachiti vaviri ava vatadza kupa zvinogudza dare kuti risavape mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Gweta revatori venhau ava, VaJames Muzangaza, avo vange vachibatsirana naAdvocate Fadzai Mahere, vaudza Studio 7 kuti mutongo wedare ndiwo wavange vachitarisira sezvo nyaya yavari kupomerwa isina maturo.

VaMuzangaza vati pavanodzoka kudare musi wa 27 Mbudzi vachatoita chikumbiro chekuti nyaya iyi ibviswe mudare uye vachipikisawo mutemo wakashandiswa kusunga vatatu ava kudare reConstitutional Court.

Sachigaro weMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe Chapter, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti mutongo wedare waratidza pachena zvavange vachitaura kuti nyaya iri kupomerwa vatatu ava haina maturo.

Imwe nhengo yekomiti yeNational Assembly inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, avo vange vari mudare vatiwo zvinosuwisa kuti vatori venhau vari kuramba vachimbunyikidzwa munyika.

Zvichakadai, mumwe mutevedzeri wemupepeti wenhau weThe Herald, Takunda Maodza, uyo akasungwa nezuro achipomerwa mhosva yekutora mari yechioko muhomwe kubva kune mumwe muzvinabhizimisi muHarare, aburitswa muhusungwa mushure mekumabhadhariswa madhora makumi mashanu semari yechibatiso.

Nyaya yake ichanzikwa musi wa 25 Mbudzi.

Zvichakadai, vatori venhau vakawanda kubva kumapepanhau anotsigirwa nemhurumende pamwe neemakambani akazvimirira vaende kumatare zvine mutsindo kuzotsigira vamwe vavo.

XS
SM
MD
LG