Accessibility links

Breaking News

Harare Yoomesera Makombi Asingakodzeri Kupinda Mugabe


Former South Sudanese Minister for Roads and Bridges Lt. Gen. Gier Chuang Aluong, one of seven political detainees who were released by the South Sudan government on Jan. 29, 2013 under the terms of a peace deal reached in Addis Ababa.
Former South Sudanese Minister for Roads and Bridges Lt. Gen. Gier Chuang Aluong, one of seven political detainees who were released by the South Sudan government on Jan. 29, 2013 under the terms of a peace deal reached in Addis Ababa.
Kanzuru yeguta reHarare yawedzera mapurisa ainayo nemazana maviri kuitira kuti mapurisa aya afambise chirongwa chekuchenesa guta kuburikidza nekubvisa dzimotokari dzisina mvumo yekutakura vanhu muguta.

Chirongwa chaparurwa neChipiri chinonzi Operation Nguva Yakakwana.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaLesley Gwindi, vati muguta mune nzvimbo gumi chete dzinomira makombi. Vati vane makombi anomira pese pese, vachatorerwa motokari dzavo pamwe nekubhadhadiriswa miripo yakakura chose.

Vati mapurisa achange achifamba ari muzvikwata zvevanhu vashanu kana gumi vachiona kuti makombi ese ari muguta ane zvese zvinodiwa here kana kuti kwete.
VaGwindi vati vachawanikwa vane makombi asina zvikwanisiro vachabhadhariswa zana nemakumi mashanu emadhora.

Vatiwo kanzuru yatora danho rekuomesera vemakombi anomira pese pese uye vanofamba vasina magwaro akakwana mushure mekunge kanzuru yaona kuti makombi maviri pamatatu anopinda muguta, haana magwaro anokodzera kuti afambe muguta.

VaGwindi vatiwo kanzuru ichasunga motokari diki dzinotakura vanhu muguta vachiti mota idzi hadzina marezenisi.

VaGwindi vabvuma kuti kanzuru yeHarare yange yatorerwa nzvimbo dzinomira makombi nemakoronyera anoshanda neZanu PF anonzi Chipangano. Asi Zanu PF yakabuda pachena ichiti haidyidzane neChipangano, ikakurudzirawo kuti nhengo dzechikwata ichi, dzisungwe.

Pavabvunzwa kuti kanzuru ichaita sei nevakuru vakuru veZanu PF avo vari kushanda neChipangano kutorerera vemakombi nevanhuwo zvavo mari yavo, VaGwindi vayambira kuti vese vachada kuvhiringa kanzuru pachirongwa ichi vacharangwa zvakaomarara zvisinei nekuti ndevebato ripi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG