Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanotambira Kuvharwa kweNyika Kuitira Kuti Covid-19 Isapararire


Corona Virus Donations Ventilator
Corona Virus Donations Ventilator

Nyika ichange yakavharwa kwemazuva makumi maviri nerimwe chete kubva neMuvhuro senzira yekuedza kurwisa kupararira kwechirwere che Coronavirus, icho chabata vanhu vanomwe muZimbabwe, pamwe nekuuraya munhu mumwe chete.

Danho rakatorwa nehurumende iri rIri kutambirwa nevakawanda, asi rasiya vamwe vachichema.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa neChishanu manheru kuti hapana achabvumidzwa kubuda mumba make kuenda kubasa kusara kwevashandi vemuzvipatara vanenge vachishanda kurwisa chirwere cheCoronavirus pamwe nevakuru-vakuru vemamwe mapazi ehurumende.

Danho rehurumende iri rarumbidzwa nemutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa, vachiti hurumende yaita zvavaga vachikurudzira kuitira kuti chirwere cheCoronavirus chisarambe chichipararira munyika.

Mutungamiri wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retaliers, VaDenford Mutashu, vari kukurudzirawo vezvitoro zvakapihwa mvumo yekuvhura mabhizimisi kuti vasakwidze mitengo yezvinhu panguva iyi vachiti sangano ravo richatora matanho akaomarara kune vachawanikwa vachikwidza mitengo zvisina mwero.

Kunyange hazvo VaMnangagwa vakakurudzira kuti vashandirwi vabhadhare vashandi vavo panguva iyo nyika ichange yakavharwa, vamwe vashandi vakaita saAmai Mercia Muchichwa vanoshanda pane imwe kambani iri muEastlea muno muHarare, vanoti vatoziviswa nevakuru kubasa kwavo kuti vachabatirwa mari nekambani pamazuva avachange vasiri pabasa zvichitevera danho rakatorwa nehurumende iri.

Izvi zvashorwa enmutungamiri wesangano guru rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vati vachatora matanho akasimba kuvashandirwi vanenge varegedza kubhadhara vashandi panguva yekuvharwa kwenyika iyi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutungamiri wesangano rinomirira vashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaIsrael Murefu, kuti tinzwewo divi ravo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye vasina kupindura mibvunzo yatavatumira.

Mutungamiri wesangano revanorarama nekutengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, vati vari kutambira danho ratorwa nehurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19 asi vakurudzira hurumende kuti ibvumidze vanotengesa mumigwagwa kuita basa ravo vari munzvimbo dzavanogara sezvo vachiti vanhu vazhinji vari kurarama nekutengesa pamwe nekuita mabasa emaoko.

Zvichakadai, VaChamisa vakurudzira hurumende kuti itaure nedzimwe nyika, vedzisvondo pamwe nevamasangano anoshanda akazvimirira kuti vabatsire veruzhinji nechikafu kuitira kuti veruzhinji vasaziye nenzara panguva iyo nyika ichange yakavharwa.

VaMnangagwa vakakurudzirawo makanzuru ose munyika kuti aone kuti abvisa marara mumisha inogara veruzhinji panguva iyo nyika ichange yakavharwa senzira yekuti nyika yose inge yakachena.

VaMnangagwa vakatiwo hurumende ichaonawo kuti vashandi vemuzvipatara vachange vari pabasa vawana mbatya dzekuzvidzirira kuti vasabatire zvirwere uye vakatiwo hurumende ichaona kuti veruzhinji vachange vaine mvura panguva iyi.

Veruzhinii vaswera vari mumitsetse vachitenga zvokudya segadziriro yekuvharwa kuchange kwakaitwa nyika kubva neMuvhuro.

Chirwere cheCovid-19, icho chakatangira kuguta reWuhan kuChina, chauraya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezvisere pasi rose.

Hurumende inoti muZimbabwe chirwere ichi chabata vanhu vanomwe kusanganisra Zororo Makamba, uyo akaurayiwa nechirwere ichi neMuvhuro.

Nyika dzakawanda pasi rose dzakatora matanho ekuti veruzhinji vagare mudzimba senzira yekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi, icho chabata vanhu vanodarika mazana matanhatu ezviuru pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG