Accessibility links

Breaking News

Varimi Vodhurirwa neMbewu neFotereza


Farming Mashonaland West 3
Farming Mashonaland West 3

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vanoti gadziriro yavo
yemwaka wekurima gore rino iri kukanganiswa zvikuru nekudhura kuri kuita mbeu nefotireza.

Mumwe murimi anga achitenga mbeu yake pachitoro cheMetro Peech nhasi muChinhoyi, Amai Bhurandina Nyakutera, vati mbeu iri kudhura zvekuti havasi kurima zvavaitarisira gore rino.

Amai Nyakutera vati chiri kudhurisa mbeu ndechekuti vanotengesa
mbeu vari kudhurisa mbeu idzi zvakanyanya kumnhu anenge achitenga neEcocash kana kushandisa kadhi kudarika ari kutenga nemari yekuAmerica.

Mumwe murimi, Amai Tererai Shonhiwa, vatiwo rimwe dambudziko nderekuti havasati vapedza kubhadharwa pachibage chavo chavakaendesa kuGrain Marketing Board, GMB.

Mukuru weZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakaria, vati nhengo dzavo
mumatunhu mazhinji munyika dziri kuchema chema nekudhura kwembeu
nefotireza dzichiti makambani anotengesa zvinoshandiswa nevarimi ari
kuita makaro nekukwidza mitengo yezvinhu zvisri pamwero.

VaZachariya vati hongu pane nyaya yekukwira kwemutengo wemari
yekuAmerica pamusika mutema, asi zvazonyanya sezvo zvinhu zviri
kukwira nezvikamu zvinodarika zana kubva muzana zvisina kumboita mari
iyi kubva gore rapera.

VaZakariya vati pakadayi hurumende hapana zvainogona kuita asi
panoda nhaurirano pakati pemasangano evarimi rakaita seravo
nemasangano anomiririra vanotengesa kana kuti maretailers kuitirakuti vaite chibvumirano pamusoro pemitengo.

Mbeu inorema makirogiramu makumi maviri nemashanu iyo yaitengwa
nemadhora zviuru masere kana kuti 8 000 RTGS gore rapera yave kutengwa nemadhora zviuru gumi nezvinomwekana kuti 17 000 RTGS gore rino.

Dzimwe nyanzvi dzezvekurima dzinoti varimi vari panguva yakaoma
sezvo hurumende ichitara mari yavanofanirwa kutengesa zvirimwa zvavo kuGMB chete asi vanotengesa mbeu nefotireza vachisiiwa vachitara mitengo yavanoda iri pamusorosro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG