Accessibility links

Breaking News

Masangano Oronga Kusvitsa Gakava reSarudzo kuSADC


Masangano akazvimirira anosvika makumi matatu asangana neMugovera muBotswana umo akurukura zvakadzama mafambiro akaita sarudzo dzemuZimbabwe.

Masangano aya anoti abuda nechisungo chekusvitsva gakava resarudzo dzemuZimbabwe kumusangano wenyika dzekuchamhembe kweAfrica, SADC, uyo uri kuitirwa kuMalawi svondo rinouya.

Masangano emuZimbabwe apindawo mumusangano uyu anosanganisira, Zimbabwe Election Support Network, Crisis in Zimbabwe Coalition ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights.

Masangano aya anoti sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kuitwa nenzira kwayo, nokudaro SADC, iyo yanga ichikokera nhaurirano dzemuZimbabwe, inofanirwa kugadzirisa gakava ravapo.

Asi SADC ne African Union dzinoti sarudzo dzemuZimbabwe dzaive dzakachena, izvo zviri kupikiswawo neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

NeChishanu, VaTsvangirai vakakumbira dare repamusoro soro kuti risatambire zvakabuda musarudzo idzi, uye kuti sarudzo itsva dziitwe mushure memwedzi miviri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari nhengo yanga yakamirira Zimbabwe Election Support Network kuBotswana pamusangano uyu, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti masangano awirirana kuti nyaya yeZimbabwe isvitswe kumusangano wSADC kuMalawi kuitira kuti patorwe matanho akasimba pasarudzo dzakaitwa muZimbabwe.
XS
SM
MD
LG