Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Hurumende Iri Kuvatsvinyira


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Hurumende inonzi yapa vana chiremba navana mukoti madhora maviri pamunhu yekushandisa neChishanu kuti vaende kumabasa.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa navanachiremba navanamukoti rekuti havasi kuzoenda kumabasa sezvo hurumende yakundikana kuvabhadhara mwedzi uno.

Hurumende inoti ichabhdhara vashandi vayo vasati vabhadharwa musi wa 5 Ndira.

Mukuru wesangano reHealth Service Board, Dr Lovemore Mbengeranwa, vaudza Studio 7 kuti vari pazororo uye vati titaure negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, nezvenyaya iyi.

VaChinamasa pamwe negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti havasi kudzokera shura pahurongwa hwavo hwekuramwa mabasa.

Zvichakadaro, neChitatu mamwe masangano anomirira vashandi vehurumemde ari pasi peApex Council akaita musangano nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya.

Hurukuro naVaFortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu wakazeyawo nyaya yemari dzemihoro nemabhonasi.

VaMangudya vaudza Studio 7 kuti musangano uyu waive wekuti vanzwe pfungwa dzevashandi kuitira kuvazivisa muzvirongwa zvavo zvakafanana nemashandisirwo emari.

Hurukuro naVaJohn Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti ichokwadi kuti vakapinda mumusangano uyu asi hapana chakabuda chine musoro.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vakafanobata chigaro chegurukota rezvevashandi, Doctor Lazerus Dokora, vaudza Studio 7 kuti havana tsamba yavawana kubva kuvashandi vehurumende avo vanoti makurukota ehurumende ari kuramba kusangana navo.

XS
SM
MD
LG